Accessibility links

Breaking News

Zororo reEaster Rinorangarirwa Gore Rino Vanhu Vasingaungane


APTOPIX Vatican Virus Outbreak
APTOPIX Vatican Virus Outbreak

Vatendi vechiKristu vakawanda pasi rose varangarira zororo reGood Friday vari mudzimba dzavo munyika dzakasiyana siyana nekuda kwechirwere cheCoronavirus, icho chapararira pasi rose, kusanganisira muZimbabwe, umo chauraya vanhu vatatu.

Vanamati vechiKirisitu vakawanda muZimbabwe vateerera yambiro yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, yekugara mudzimba munguva ino yekuvharwa kwenyika apo vakawanda vanoti varangarira kufa kwaJesu nekunamata pamwe nekutora chirairo vari mudzimba dzavo.

Amai Tsungai Madhuviko vanoti kunyange hazvo vatadza kuungana nevamwe vavo semakore ese nekuda kwechirwere cheCoronavirus, vari kunamata vari mumba vachitevedza mitemo yesangano ravo rechipositori yekwaMadzibaba Mwazha.

Amai Madhuviko vanoti zvakakosha kutevedzera zviri kutaurwa nevezvehutano kuitira kuti vasarasikirwe nevatendi vafa nechirwere ichi.

Mumwe mutenderi, Amai Petronela Nyikadzino, vanoti vakaronga nedzimwe nhengo dzekereke yavo yeHwisiri kuburikidza nedandemutande reWhatsup kuti vachange vachinamata nguva dzakafanana.

Mumwe mutendi, VaTonderai Makaya, vanoti chikuru hakusi kunamata vanhu vakaungana, asi kunamata mumweya nemuzvokwadi.

VaMakaya vanoti Pasika yaidyiwa nemhuri vari mumba mavo sezvaitika kumhuri dzakawanda nhasi.

Mufundisi wekereke yePentacostal Assemblies of Zimbabwe, VaTawanda Munaki, vanoti kunamata hausi mudhuri uye kereke yaJesu inoenderera mberi nekunamata mudzimba vachiti panoungana vanhu vaviri kana vatatu, Jesu vanenge varipo sezvinotaura bhaibheri.

Mufundisi Munaki vanoti kuvharwa kwezvivakwa nekuda kwechirwere cheCovid-19 kwapa mukana vafundisi kuti vataure nenhengo dzavo kuburikidza nemadandemutamde eWhatsup, Livestreaming neFacebook.

Svondo rakapera, gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakayambira vatendi kuti vasaungane vachinamata vachiti achawanikwa achiita izvi achazvionera pamhuno sefodya.

Asi vamwe vatendi vanoti danho rekusaungana rinodzorera kutenda kwavo kumashure sezvo vatendi vachikurudzirana kunamata vakawanda.

Vatenderi vechiKristu pasi rose vanoremekedza zuva reGood Friday, senzira yekurangarira kuurayiwa kwaJesu Kristu, uyo akafa nemusi weChishanu, akazomuka nemusi weSvondo, zuva rinorangarirwa seEaster Sunday.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG