Accessibility links

Amai Marian Chombo Vokonzera Mutauro muZim PF Vachitsigirwa naAmai Mujuru?

  • Arthur Chigoriwa

Amai Joice Mujuru

Paita kusimudzirana mapfumo mubato reZimbabwe People First (ZimPF) mudunhu reMashonaland West apo hutungamiri hwedunhu iri hwakambomisa sachigaro waro, Amai Marian Chombo, pamusangano wavakaita neMugovera vachivapomera mhosva yekutadza kubatanidza nhengo mudunhu uye kutonga nedemo zvisina pfungwa dzevamwe.

Komiti iyi, iyo yakagara musangano wayo kuHarare, yakabvumirana kuti vakafanobata chigaro chasachigaro, Amai Chombo, vambomira kutungamira sezvo vatadza kutungamira zvakanaka bato iri mudunhu reMashonaland West.

Musangano uyu, uyo wakapindwa nenhengo dzakabva kumatunhu gumi nemapfumbamwe pamatunhu makumi maviri nemaviri ari mudunhu rose, wakasunga chibvumirano chekuti Amai Chombo vambomira kufambisa basa mudunhu uye vasamiririre dunhu kukomiti yenyika.

Vachitaura neStudio7, murongi wemisangano mubato iri, Muzvare Abgail Sauti, vati kubvira pakagadzwa Amai Chombo, vanga vachidzinga nhengo dzisingabvumirane navo vachiti vainge vatumwa nemutungamiri webato, Amai Joyce Mujuru.

Muzvare Sauti vati bato reZimPF harife rakatonga sezvo vanhu vakawanda vaodzwa moyo nevanhu vasingagone kutungamira.

Kusawirirana uku kwaitawo kuti dzimwe nhengo dzibude mubato iri dzichidzokera kuMDC-T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

VaTendai Musonza, avo vaive mutevedzeri wemunyori mukuru, vanyorera bato reMDC-T vachikumbira kudzokera kubato iri.

VaMusonza vanoti vaneta nemahumbwe ari kuitwa kuZimPF.

VaMusonza vanoti nyonga nyonga iri kuitika kuZimPF inoratidza kuti ZimPF chibande cheZanu PF.

Studio7 haina kunzwa kuna Amai Chombo pavamire, kanawo kubata Amai Mujuru kuti tinzwe divi ravo,

Asi mutauriri webato reZimPF, VaJealous Mawarire, vanoti Amai Chombo ndivo vachiri mutungamiri wedunhu reMashonaland West sezvo vakadzingwa zvisiri pamutemo.

VaMawarire vanoti chekutanga ndechekuti musangano uyu wakaitirwa kuHarare asi uri wedunhu reMash West uye vanoti nhengo dzakapinda musangano uyu dzakaburitswa mubato pamwe nevamwe vatungamiriri vakaita saVa Rugare Gumbo, VaDydmus Mutasa, Amai Magret Dongo pamwe nevamwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG