Vaimbowe gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, vari kutarisirwa kunzwa kana chikumbiro chavo chekuti vapiwe mukana wekubvisiswa mari yechibatiso chichitambirwa nedare neChishanu kuitira kuti vawane mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo.
Gweta raVaChombo, Professor Lovemore Madhuku, vanoti chikumbiro ichi chaifanirwa kunzwikwa nemusi weChina asi mutongi wedare ramejasitireti, VaStanford Mambanje, vakakundikana kupa mutongo wavo pachikumbiro ichi vachiti vainge vasina kupedza kunyora mutongo wavo.
Professor Madhuku vanoti vari kutarisira kuti mutongi achakwanisa kunzwa chikumbiro ichi nenguva dzegumi neimwe mangwanani.
VaChombo vakasungwa neChipiri vachipomerwa mhosva yekupa nzvimbo dzekuvakira dzimba muHarare nekwaZvimba zviri kunze kwemutemo, uye vanga vakachengetedzwa kujeri reChikurubi Remand Prison.
Professor Madhuku vanoti kusungwa kwaVaChombo kune chekuita nezvematongerwo enyika pachitariswa kushungurudzwa kwavakaitwa pakabviswa nemauto vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe muna 2017.
Facebook Forum