Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvinoratidzira paChipatara Panonzi Ndipo panaVachiwenga muSouth Africa


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanonzi havasi kunzwa zvakanaka uye vanofungidzirwa kuti vari kurapwa vari pachipatara cheGroote Schuur kucape Town, South Africa.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanonzi havasi kunzwa zvakanaka uye vanofungidzirwa kuti vari kurapwa vari pachipatara cheGroote Schuur kucape Town, South Africa.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvaratidzira pachipatara cheGroote Schuur, chiri muCape Town, apo panofungidzirwa kuti ndipo pari kurapwa mutevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, zvichiti VaChiwenga vanofanirwa kudzokera vonorapwa kuzvipatara zvekumusha sevamwe vese.

VaChiwenga vanonzi vakabuda munyika zvechimbichimbi mukupera kwesvondo vachiendeswa kuSouth Africa kunorapwa, kunyange hazvo Studio 7 isina kukwanisa kuwana humbowo hwekuti vari pachipatara chikuru chemuSouth Africa ichi.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa pamwe nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vakaramba kutaura nezvenyaya iyi neSvondo pavakabvunzwa neStudio 7, vachiti tibate VaGeorge Charamba.

Asi Studio 7 yakundikana kubata VaCharamba kuti tinzwe kana chiri chokwadi chekuti VaChiwenga vari kurwara uye vari kurapwa pachipatara ichi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaCarlos Chimbi, avo vanogara muCape Town vabatana nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe mukuratidzira uku.

VaChimbi vanoti varwadziwa zvikuru kuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika uyu anombunyikidza kodzero dzavanachirema vemunyika sezvo achiziva kuti iye anoenda kunorapwa kunze kwenyika kana akarwara.

Vanoti vafara chose kuti vakwanisa kusvitsa shoko ravo kuchipatara ichi sezvo mukuru wechipatara azokumbira kutaura navo, kunyange hazvo asina kubuda pachena kuti VaChiwenga vari pachipatara ichi here kana kuti kwete.

VaChimbi vanoti mukuru wechipatara uyu avaudza kuti mutemo haumubvumidze kutaura nezvevarwere vanenge vari pachipatara ichi kana dai vanenge vasiri pachipatara ichi.

VaChiwenga vakatsamwisa vanhu gore rapera pairamwa vanachiremba mabasa, vachiti havasi vanhu vane hunyanzvi asi kuti vashandiwo zvavo, uye kuti hurumende haina kutora matanho ekugadzirisa matambudziko ari muzvipatara ari kuita kuti vanhu vashaye kurapwa kwakakodzera.

Chipatara cheGroote Schurr chinonyanyozivikanwa nekuve ndicho chekutanga pasi rose kuvhiya munhu pachitorwa mwoyo wake uchiiswa pane mumwe munhu uchiramba uchishanda.

Hurukuro naVaCarlos Chimbi
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG