Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vanoitwa Mumwe weVatevedzeri veMutungamiri weNyika


Vaive mukuru wemauto, Retired General Constantino Guvheya Dominic Nyikadzino Chiwenga, vadomwa semutevedzeri wemutungamiri wenyika.

VaChiwenga vapinda munhoroondo yenyika kuva munhu wekutanga kubva kuchiuto achidomwa kuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika.VaChiwenga ndivo vakatungamira mauto mukusiisa vaive mutongamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mumwe adomwa zvakare kuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika, ndiVa Kembo Campbell Dugishi Mohadi.

Mumashoko aburitswa nevakafanobata chigaro chemunyori mukuru mudare remakurukota, Retired Colonel Christian Katsande, vati mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vadoma vatevedzeri vavo sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Kudomwa kwevaviri ava kunotevera zvakare kudomwa kwavo sevatevedzeri wemutungamiri we Zanu PF.

VaChiwenga naVaMohadi vari kutarisirwa kutoreswa mhiko ku State House mangwana eChina.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG