Accessibility links

Breaking News

Vagari vekwaChivi Votambudzwa nedanho reKanzuru Yavo reKutumira Zvikonzi


Vagari vepaChivi Growth Point vanoti havas kufara nekushandiswa kwezvikonzi nekanzuru yavo mukutevera zvikwereti.

Vagari vekwaChivi vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa nekanzuru yavo rekuvatumira magweta kuti atore zvikwereti zvavainazvo kukanzuru yavo.

Vagari vepaChivi Growth Point vanoti nekuoma kwakaita hupenyu vari kutadza kubhadhara zvikwereti zvavo uye vave kutyira kutorerwa dzimba nemagweta ekambani yeMavhiringidze Legal Practitioners yekuHarare iyo iri kuvavhunditsira.

Sachigaro weChivi Residents Association, VaKizito Tshuma, vanoti zvinovarwadza kuti kanzuru inovaendesa kumagweta ichida kuvasungisa asi iyo isina kumbotora nzira dzekuti vataurirane.

VaTshuma vanoti vagari vazhinji vari kutadza kubhadhara mitero nekuomerwa kweupenyu uye kanzuru yavo haisi kuita basa rayo nemazvo.

Mutevedzeri wasachigaro weChivi Residents Association, VaClaudius Hungwe, vanoti kanzuru iri kutotambisa mari kubhadhara magweta kuti atevere zvikwereti kuvagari, sezvo vagari ava vari kutotamburawo zvavo.

Sachigaro veChivi Rural District Council, VaGodfrey Huruva, avo vachangosarudzwa, vanoti havasati vave kunyatsoziva kuti zvakamira sei sezvo vachangotanga basa.

Asi vanoti vachatarisa nezvenyaya iyi pavanoita musangano wavo wekutanga vonzwa nevashandi vekanzuru zvizere kuitira kuti naya iyi igadziriswe.

Mukuru wekanzuru yeChivi Rural District Council, VaTariro Matavire, vabvuma parunhare kuti vari kushandisa magweta ekwaMavhiringidze kutevera zvikwereti vachiti vakaita izvi mushure mekunge vaneta nekutaurirana nevagari kuti vabhadhre zvikwereti.

Vatiwo danho ravakatora riri pamutemo wemakanzuru ekumaruwa.

Asi VaMatavaire vati havazivi nemusoro kuti chikwereti chevagari chasvika pamari, vachiti vachazotarisa kana vava muhofisi mavo.

Asi vamwe vashandi vekanzuru varamba kudomwa nemazita avo sezvo vasingabvumidzwe kutura nevatori venhau vanoti vagari vane zvikwereti zvinodarika mirioni imwe chete yemadhora.

VaMandishora Mavhiringidze vati ichokwadi kuti vari kutevera zvikwereti kuvagari vekwaChivi vavati vari kunetsa kanzuru nekusaibhadhara mari yayo.

Nyaya yekushndiswa kwemagweta kutevera zvikwereti yakaita mutauro mumadhororbha akawanda munyika, anosanganisira Masvingo, Harare, Chiutungwiza, Bulawayo neMutare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG