Accessibility links

Breaking News

Vashandi veChitungwiza Vanombosendeka Parutivi Hurongwa hweKuramwa Mabasa


Mutungamiri weChitungwiza Municipality Workers' Union, VaEphraim Katsina
Mutungamiri weChitungwiza Municipality Workers' Union, VaEphraim Katsina

Sangano rinomirira vashandi vekanzuru yeChitungwiza, reChitungwiza Municipality Workers Union, rinoti vashandi vakamboosendeka parutivi hurongwa hwekuramwa mabasa, uhwo hwaifanirwa kutanga neMuvhuro svondo rino.

Mutungamiri wesangano revashandi iri, VaEphraim Katsinha vanoti vashandi vakatora danho iri zvichitevera chivimbiso chavakapiwa nemushandirwi pamberi pevakuru vebazi rezvevashandi nemabasa.

Mapoka maviri aya akenda kubazi revashandi nemabasa kutanga kwemwedzi uno mushure mekunge vatadza kuwirirana pachavo.

VaKatsinha vanoti kanzuru yakavavimbisa kut ichange yazadzisa zvichemo zvevo kubva mwedzi uno kusvika panopera mwedzi waChivabvu, uye zvimwe zvichemo zvakaita semihoro yevashani zvinonzi zvakatotanga kuzadziswa.

Meya veChitungwiza VaLovemore Maiko vakaudza Studio 7 kuti kanzuru yavo inoremekedza vashandi vayo zvakanyanya izvo zvinoita kuti varambe vachizama nepose pavanogona napo kuti vavararamise, kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika.

Vashandi veChitungwiza vakanga vavimbisa kuti vaizokanda mapadza pasi kutanga musi wa 17 mwedzi uno vachiti kanzuru yavo yainge ichikundikana kuzadzisa zvichemo zvavo zvinosanganisira mihoro, pekugara pamwe nezvikwanisiro.

Hurukuro naVaEphraim Katsinha
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG