Accessibility links

Breaking News

Vashandi veChitungwiza Voenderera Mberi Vachiramwa Mabasa, Asi Kanzuru Ichiti Vari Kushanda


Vashandi vekanzuru yeChitungwiza vari mune zvehutano vanoti vari kuda kupiwa zvikwanisiro zvinovadzivirira kubva mukubatira chirwere cheCovid-19.

Vamwe vashandi vekanzuru yeChitungwiza vanosanganisira vanamukoti nevari muboka rezvehutano, vari kuramwa mabasa vachinyunyuta kuti vanoda zvikwanisiro zvinovadzivirira kubva kuCoronavirus, kana kuti ma Personal Protective Equipment, uyewo mari dzekubatsirikana munguva ino yeCOVID-19.

Vanamukoti mumakiriniki ekanzuru ose vanonzi vari kungogara zvavo pabasa vasingashande vachizongobatsira chete vanenge vaine pamuviri panoda rubatsiro rwechimbi-chimbi.

Vamwe vari kuramwa mabasa vanonzi vashandi vekudivi remvura pamwe nevekudivi rinoona nezvekuraswa kwetsvina.

Vachipindura mubvunzo wedu, vakafanobata chigaro chamabharani wekanzuru yeChitungwiza, Doctor Tonderai Kasu, vati mashoko avawana nhasi anoratidza kuti vanamukoti vari pamabasa avo uye vari kushanda semazuva ose.

Doctor Kasu vatiwo vari kutowana chikumbiro kubva kuvashandi vari kushanda usiku chekuti vawaniswe chekufambisa.

Asi vati mamiriro ezvinhu haasati anyatsogadzikana uye vachiri mushishi kugadzirisa zvichemo zvose zvakasimudzwa navamukoti.

Asi sachigaro vesangano rinomirira vashandi reChitungwiza Municipality Workers’ Union, Reverend Ephraim Katsina, vanoti kanzuru inofanirwa kukoshesa hutano hwevashandi vayo kuitira kuti ivo vapewo vagari hutano hwakakodzera, zvikuru munguva ino yeCOVID-19.

Nekudaro, Reverend Katsina vanoti kanzuru inofanirwa kuita musangano wechimbi-chimbi nevamiriri vevashandi kuitira kuti dambudziko iri rigadziriswe vashandi vadzokere mumabasa.

Hurukuro naReverend Ephraim Katsina
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG