Accessibility links

Breaking News

Vashandi veChitungwiza Voronga Kuramwa Mabasa Kana Nhunha Dzavo Dzisina Kugadziriswa


Vashandi vekanzuru yeChitungwiza vanoti vacharamwa mabasa kutanga musi wa 17 Chivabvu kana zvichemo zvavo zvisina kugadziriswa.
Vashandi vekanzuru yeChitungwiza vanoti vacharamwa mabasa kutanga musi wa 17 Chivabvu kana zvichemo zvavo zvisina kugadziriswa.

Vashandi vekanzuru yeChitungwiza vari pasi pesangano reChitungwiza Municipal Workers Union, pamwe nevakuru vekanzuru iyi vasangana neChishanu kumahofisi ebazi rezvevashandi nemabasa kuitira kuti vanyorerane pasi zvavakawirirana pamusangano wechimbichimbi wakaitwa nemapoka maviri aya nemusi weChipiri.

Musangano wechimbichimbi uyu wakaitwa mushure mekunge vashandi vanyora tsamba kune vakafanobata chigaro chemunyori wekanzuru, Amai Evangelista Machona, vachivazivisa kuti vari kuronga kuramwa mabasa kutanga musi wa 17 Chivabvu unove mwedzi uno, kana kanzuru yakakundikana kugadzirisa zvichemo zvavo.

Vashandi vari kuda kuti zvichemo zvavo zvinosanganisira nyaya dzemihoro yavo, mashandiro avo, kushungurudzwa pamabasa, mari dzevari pamudyandigere, nezvimwe zvakawanda zvikasike kugadziriswa.

Mutungamiri wesangano revashandi, VaEphraim Katsina, vanoti vanotarisira kuti mushandirwi achashanda nesimba kugadzirisa nhunha dzavo mukati memasvondo maviri avakamupa, kukundikana vashandi voenderera mberi nehurongwa hwavo hwekuramba mabasa.

"Kana pasina chabhadharwa kusvika musi wa16 May, zvinoreva kuti mushandirwi anenge akundikana pama demands edu. Saka nekudaro tiri kuti anofanira kushanda nesimba panguva iyoyi ye notice period ye 14 days idzi kuti tinzwe kugutsikana kuti mushandirwi ane zvaari kuitira vashandi vake," vanodaro VaKatsina.

Asi meya veChitungwiza, VaLovemore Maiko, vanoti kanzuru yavo ine chido chekuvandudza mashandiro pamwe nemararamiro evashandi vayo kunyange hazvo zvinhu zvanga zvakaiomera.

VaMaiko vanokoroudzirawo kuti nguva dzose pave nenhaurirano vashandi vasati vafunga kutora matanhu ekuramwa mabasa.

"Tinofanira kuti tinge tichibvumawo kuti zvinhu hazvina kumira mushe, zvakanga zvakaoma but tiri kuzama nepatinogona kuti pataive tiri takabva, kwatiri kuda kuti tiende hatisati tasvika. Uyezve tinokoshesa nyaya yenhaurirano kana kuti engagement kuti zvinhu zvinogadzirisika nekufamba zvakanaka kuburikidza nekutaurirana," vanodarowo Meya Maiko.

Hurukuro naVaEphraim Katsina
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaLovemore Maiko
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG