Accessibility links

Breaking News

CHITREST Inoti Mabhuku Eguta ReChitungwiza Anofanirwa Kuwongororwa


Vagari veChitungwiza vanoti kanzuru haisi kuita basa rayo

Sangano revagari vemu Chitungwiza, reChitungwiza Residents Trust, kana kuti CHITREST, rinoti zvirikuitika mukanzuru yeguta ravo zvinoshatirisa nekuti makanzura nevakuru veguta varikupedza nguva vachipomerana mhosva nekurwa pachavo asi guta riri mumatambudziko mazhinji anoda kugadziriswa.

Mutungamiriri weCHITREST, Muzvare Alice Kuvheya, audza Studio 7 kuti sangano ravo rinoda kuti pauye vanoongorora mabhuku eguta iri, kana kuti ma’auditors’ kuti zvinhu zvitwasanudzwe, zvikuru sei vanhu varikupomerana mhosva dzehuori. Vati vagari veChitungwiza vanoda kuona vanhu vavakasarudza vachiita basa rekugadzirisa zvinhu muguta iri.

Izvi zvinotevera kurohwa kwameya wedhorobha reChitungwiza, VaLovemore Maiko, nevanonzi ndevechidiki veZanu-PF mushure mekunge vanzi vakange vamisa basa Town Clerk weguta iri, VaGeorge Makunde.

Muzvare Kuvheya ati anenge abatwa aine mhosva anofanirwa kusungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG