Accessibility links

Breaking News

Chitungwiza Residents Trust Inoparura Chirongwa Chekupa Vana Zvekudya


CHITREST

Sangano rinomirira vagari veChitungwiza, reChitungwiza Residents Trust (CHITREST), pamwe chete ne sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reCitizens Rights Centre, vaparura chirongwa chekupa vanhu zvekudya, chinonzi Porridge For All Children Project, pamwe chete nekubatsira vabereki kuti vawane mapepa ekuzvarwa kwevana vavo.

Mukuru weCHITREST, Muzvare Alice Kuvheya, vaudza Studio 7 kuti masangano aya akafunga zvekutanga chirongwa ichi mushure mekuona huwandu hwevanhu vave kunetseka huchiramba huchikwira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG