Accessibility links

Breaking News

Vashandi veKanzuru yeChitungwiza Vonyozera paBasa


VaEphraim Katsina

Vashandi vekanzuru yeChitungwiza vanoti vatanga kushanda zvishoma nezvishoma kuitira kuti vakuru veguta vanzwe zvichemo zvavo uye kuti paitwe hurukuro nekanzuru.

Mutungamiri wesangano rinomirira vashandi vekanzuru, reChitungwiza Municipal Workers Union, VaEphraim Katsina, vaudza Studio7 kuti vashandi ava, avo vanosanganisira vana mukoti, havana kuramwa mabasa asi vachashanda zvishoma nezvishoma.

VaKatsina vati vashandi vanoda mbatya dzekuzvidzivirira kubva kuzvirwere kana vari pabasa, vachiti vamwe vashandi vari kufamba mamaira matanhatu kuenda kubasa sezvo makombi asiri kufamba zvakakwana pamusoro pekutevedzera kwawo mitemo yakadzikwa nehurumende yekurwisana nehutachiwona hweCoronavirus.

Vatizve vashandi havana mari yavari kutambiriswa.

VaKatsina vati vanokurudzira kanzuru kuti igare pasi nevashandi kuti vaite hurukuro dzinobatsira vanhu vese vemuguta, kwete kutyityidzira nekutuka vashandi kwavanoti kuri kuitwa nevamwe vakuru mukanzuru.

Asi vakafanobata chigaro chemunyori weguta, Dr Tonderai Kasu, vati havakwanisi kutaura nesu pamusoro penyaya iyi.

Asi vatumira gwaro rinoti zviri kuitwa nevashandi ava hazvisi pamutemo, vachiti hurumende yakagara yavimbisa kuti ichapa vashandi vezvehutano mbatya dzekuzvidzivirira vachiti vashandi vamhanyira kumbomira kushanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG