Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri waMeya weChitungwiza, VaMtunzi, Vopomerwa Mhosva yeKukonzera Mhirizhonga


VaJabulani Mtunzi ndemumwe wenhengo dzeMDC vakawanda vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Mutevedzeri wameya weChitungwiza VaJabulani Mtunzi, avo vanonzi vakapambwa vari pamba pavo neSvondo usiku vanonzi negweta ravo VaJob Sikhala vazowanikwa vakavharirwa pakamba yemapurisa epaMakoni kuChitungwiza kwekare.

VaMtunzi, avo vanove kanzura weWard 15 kuChitungwiza uye vari vebato reMDC, vanonzi vakatorwa nevanofungidzirwa kuti vasori kana kuti vechiuto.

VaSikhala, vaudza Studio 7 kuti VaMtunzi vanofanirwa kumiswa pamberi pedare neChipiri, sezvo mutemo uchisungira mapurisa kumisa musungwa wese pamberi pedare mukati mema awa makumi mana nemasere kana kumusunungura.

VaMtunzi ndemumwe wevanhu vazhinji vanonzi vari kuramba vachibvutwa mudzimba dzavo pakati pehusiku izvo zvave kukonzera kutya kukuru muvanhu, zvikuru vebato rinopikisa.

VaSikhala vanoti hurumende haichatevedzeri mitemo yenyika, izvo zvave kuita kuti mauto nemapurisa vaite madiro aJojina mukutyora kodzero dzevanhu.

Studio 7 yakundikana kubata mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG