Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuChinhoyi Vonyunyuta neKuwanda kweMapurisa Akapakata


Mapurisa akapakata zvombo anonzi azara nehuwandu hwavo muChinhoyi.

Vagari vemuChinhoyi vanoti havasi kufara nehuwandu hwemapurisa ari kufamba famba akapakatira zvombo muguta nemunzvimbo dzinogara veruzhinji.

Vagari ava vanoti vanoona kufamba famba kwemapurisa senzira yekutyisidzira vanhu sezvo mapurisa achizivikanwa nekumbunyikidza kodzero dzevanhu zvikuru sei munguva yesarudzo.

Mumwe mugari mumusha weveruzhinji weCold Stream, VaBenjamin Muneri, vanoti kufamba famba kwemapurisa izvo vanga vasingaite mucherechedzo wekuti munyika hamuna kugadzikana.

VaMuneri vanoti kuwanikwa kwemapurisa panzvimbo dzose pasina zvavanenge vachiita zvine musoro idanho riri paviri, rekuti kunyange vari kuchengetedza runyararo munguva ino yekutsvaka rutsigiro rwemapato, nekune rumwe rutivi zvinoonekwa sekutyisidzira vagari.

Mumwe mugari asiri kufara nehuwandu hwemapurisa muguta, nVaChamunorwa Pazvakavambwa, vanoti maitiro akadai anoratidza kuti mapurisa ane chinangwa chaari kuzviitira chisingazivikanwe.

VaChamunorwa vanoti zvekufamba kwemapurisa vakangobata mboma mucherechedzo wekuti hutungamiri hwaVaEmmerson Mnangagwa hwakangofanana nehwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakabviswa pachigaro nemauto muna Mbudzi gore rapera.

Mapurisa ari kuonekwawo achimhanya ari muzvikwata achiimba nguva dzemangwanani izvo vakawanda vanoti kuda kutyisidzira vagarii nguva yesarudzo.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, VaClemence Mabgweazara, vanoti hapana chinoshamisa uye chekutya, sezvo mapurisa ari kuchengetedza runyararo munguva ino yesarudzo.

Asi VaMabgweazara vadzambadzamba patavabvunza kuti sei mapurisa ari kumhanya mangwanani vachiimba munzvimbo dzinogara veruzhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG