Accessibility links

Breaking News

Mutungamiti weNyika, VaEmmerson Mnangagwa, Vanovhura Dzimba dzeMatare kuChinhoyi


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanovhura dzimba dzekutongera mhosva itsva dzichangobva mukuvakwa muChinhoyi nhasi.
Vachikumikidza chivakwa ichi, icho chakatora makore gumi nemapfumbamwe kupedza, VaMnangagwa vati nguva yekurara pabasa yakapera vachiti vashandi vehurumende vanofanirwa kushanda sezvavanotarisirwa.
VaMnangagwa vati pasi pehurumende yavo zvivakwa zvose zvakatangwa
kuvakwa zvinofanirwa kupedziswa.

Vachitaura pamusoro pekodzero dzevanhu pasi pemutemo, VaMnangagwa
vati kuyananiswa mumatare chimwe chezviga zvinotarisirwa munyika
kuti muve nebudiriro inoenderera mberi.

Vatiwo matare avavhura aya achaita kuti mhosva dzitongwe
nekukurumidza uye ari padhuze nevanhu, vachiti vanhu havachaenda
kuHarare kunokwidza nyaya dzavo kuHigh Court sezvo yave muno muChinhoyi.

VaMnangagwa vati havapindire mukutongwa kwenyaya mumatare nevatongi
vepasi kana vepamusoro.

Asi mutauriri webato rinopikisa reMDC-T, VaWitness Dube, vanoti
vematongerwo enyika havafanirwe kupindira munyaya dzemumatare kuti
nyika ibudirire.

Mutungamiri wenyika vatora mukana wanhasi kuyambira vose vari
kutengesa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuti vasiye tsika
yavati yakaipa iyi vachiti hurumende yavo iri kubaya vanhu nhomba
pasina muripo.

VaMnangagwa vakurudzira vanhu kuti vaise misoro pamwechete kurwisa
dambudziko rekushandiswa kwezvinodhaka ravati ratekeshera munyika
vachiti zviri kukanganisa hutano nemararamiro evechidiki.
Vachitaurawo pachiitiko chanhasi ichi, mukuru wevatongi vematare kana kuti Chief Justice, Justice Luke Malaba vati nyaya dziri kuwanda dzisiri kupera kutongwa nekuda kwekusashanda zvakanaka kwematare nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Justice Malaba vati vanopa rutendo kumasangano akaita se UNDP
neUNICEF ayo ari kuyamura hurumende nekudzidzisa vatongi pamwe
nekuvatengera michina yechizvinozvino yekuyamura kuti vanhu vanzwe
zvakanaka kana vari mudare.

Chivakwa ichii chine mipanda misere yekutongera, miviri yedare
repamusro reHigh Court, mitanhatu yedare repasi reMagistrate Court, pamwe nenzvimbo inodzidzirwa basa nevashandi vematare kana kuti Judiciary Training Centre.

VaMnangagwa vaperekedzwa kuChinhoyi nemutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga, gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah
Muchinguri-Kashiri nemakurukota ane chitsama izvo zvanga zvichityora
mutemo wekuungana sezvo vanhu vanga vakawandisa kudarika mazana
matatu.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG