Accessibility links

Breaking News

Vemichovha muChinhoyi Vochema Kuti Vakarasikirwa neBhizinesi Nekuda kweCovid-19


Vemichovha ava vanoti havachakwanisa kubhadhara mitero sezvo vanga vasiri kushanda kwenguva ndefu nekuda kweCovid-19.
Vemichovha ava vanoti havachakwanisa kubhadhara mitero sezvo vanga vasiri kushanda kwenguva ndefu nekuda kweCovid-19.

Vanhu vairarama nekutakura vanhu nemichovha yavo vanoti vakashaya bhizinisi nguva yekuvharwa kwenyika senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19, izvo zvakakonzera kuti vakawanda vavo vatengese motokari dzavo vamwe vachitozorwara.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau wakakokerwa neboka revapepeti venhau reZimbabwe National Editors Forum-ZINEF, mukuru wevemabhizinisi evanotakura vanhu nemotokari muChinhoyi VaEnirod Kawunda vanoti dzimwe nhengo dzavo dzakatengesa motokari dzadzo kuti dziwane mari yekurarama.

VaKawunda vanoti vamwewo ndivo vave kurwara nezvirwere zveshuga BP kana kuti Hypertension.

VaKawunda vanoti nhengo dzavo dzinosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana dzakatadza kudzoka kumabasa pakazovhurwa nyika zvakare.

Mumwe wevanotyaira motokari avo vakatanga kutakura vanhu mwedzi wapera vanoti vari kutadza kuterera marezinesi ekufamba mumigwagwa sezvo vakatora nguva vasingashande.

Vanotakura vanhu nedzimotokari vanosungirwa kubhadhara mari dzemarezinesi dzinosvika madhora mazana matatu emari yemunyika, kana kuti ZWL$300.00 negwaro remvumo yekutakura vanhu, kana kuti permit, rinoita madhora mazana mana nechidimbu kana kuti ZWL$450,00

Hurumemende yakazivisa kuti vose vanoita bhizinisi rekutakura vanhu vanofanirwa kunyoresa nekambani yeZimbabwe United Passengers Company, ZUPCO, iyo yagara ndiyo inotakura veruzhinji.

Asi vanotakura vanhu ava vanoti havakwanise kunyoresa sezvo motokari dzavo dzichibvumidzwa kutakura vanhu vashoma, munhu mumwechete kana vaviri.

Vachitaura pamusangano mumwechete mukuru wevemabhizinisi madiki mudunhu reMashonaland West, VaJoconiah Choto, vati nhengo dzavo dzinosvika mazana matatu dziri kutambura sezvo pasina kana nhengo yavo yakayamurwa nehurumende kunyangwe vakanyoresa mazita sezvakakurudzirwa nebazi rezvemabhizinisi madiki neari pakati nepakati.

Hurumende yainge yavimbisa kuti vanhu vose vakakanganisirwa raramo yavo nechirwere cheCovid-19 vaizoyamurwa nemari yekutenga zvekudya.

Gurukota rezvekugara zvakanaka kwevanhu, VaPaul Mavima vakabvuma kuti hurongwa hwekuyamura vanhu huri kutora nguva husati hwatanga, danho ravanoti vachagadzirisa.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mune imwewo nyaya, paita ropa rakaipa pakati pemakanzura
ebato reMDC Alliance muChinhoyi zvichitevera sarudzo dzameya weguta dzaitwa nhasi masikati.

Kunyange hazvo nhengo yebato reMDC Alliance, VaGarikayi Dendera, vakunda nhengo yeZanu PF VaVoster Mashevedzanwa nemavhoti mashanu,
VaMashevedzanwa vachiwana mavhoti mana, mamwe makanzura havana kufara kuti pane vamwe wavo, mumwechete kana vaviri, vavhotera kanzura weZanu PF uyu.

Chinhoyi ine makunzura gumi nemashanu, bato reMDC Alliance rine
makanzura gumi nevaviri, Zanu PF iine vaviri pamwe nakanzura mumwechete akazvimiririra.

Mukokeri wemisangano mubato reMDC Alliance mudunhu
reMashonaland West uye vari mumwe wemakanzura akadzingwa basa, VaMukudzei Chigumbura, vanoti bato ravo richatora matanho nezvabuda musarudzo dzameya idzi.

VaChigumbura vanoti bato ravo rinofara kuti makanzura akawanda ari
kutsigira mutungamiri webato VaNelson Chamisa.

Vasarudzwa kuva meya, VaDendera, vanoti zvaratidza kuti pane dzimwe
nhengo dzavo dzinove mukanzuru dziri kunyepera kuti dzinotsigira VaChamisa idzo dzsiri.

Munyori mukuru mubato reMDC-T, VaDouglas Mwonzora vati vanhu vari
kutyisidzirwa nekumanikidzwa kuvhotera nhengo dzavasingade nebato
reMDC Alliance.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatswayo vanoti
bato ravo rinochengetedza kodzero dzevanhu.

Sarudzo dzanhasi dzaitwa zvichitevera kudzingwa kwemakanzura matanhatu kusanganisira meya, VaMakumbe nemutevedzeri wavo Amai Chipo Mlotswa, nebato re MDC-T. Amai Mercy Mada vasarudzwa kuve mutevedzeri wameya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG