Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheNyanzvi dzeChirwere cheCOVID-19 chekuChina Chinopinda muNyika


Chikwata chenyanzvi dzezvekurapwa kweCovid-19 chinobva kunyika yeChina chasvika munyika kuti chibatsire.
Chikwata chenyanzvi dzezvekurapwa kweCovid-19 chinobva kunyika yeChina chasvika munyika kuti chibatsire.

Chikwata chavanachiremba gumi nemumwe vekuChina vanonzi inyanzvi mukurapwa kwechirwere che COVID-19, chapinda munyika neMuvhuro masikati kuti chizobatsira mukurwisana pamwe nekurapwa kwechirwere chatekeshera pasi rose ichi.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana vazivisa kuburikidza nedandemutande reTwitter kuti chikwata ichi change chichitarisirwa munyika nenguva dzenhatu masikati.

VaMangwana vati chikwata ichi chiri kutarisirwa kuzoshanyira nzvimbo dziri kurapirwa varwere pamwe nekusangana navanachiremba vemunyika vachipana ruzivo nemazano pamusoro pechirwere cheCOVID-19 ichi.

Muzinda weChina muZimbabwe wazivisawo kuburikidza neTwitter kuti chikwata chapinda munyika ichi chiri kuuya nerubatsiro rwemishonga yakawanda chose, uye rubatsiro urwu harwusi rubatsiro chete, asi kuti hushamwari.

Zimbabwe iri kuwana rubatsiro rwekurwisana nedenda reCOVID-19 rwakasiyanasiyana kubva kunyika pamwe nemasangano zvakasiyanasiyana.

Sachigaro vesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Fortune Nyamande, vanoti kupinda munyika kwavanachiremba ava chinhu chakakosha zvikuru, sezvo vari kuuya neruzivo rwuchabatsira mukurwisana necoronavirus.

Doctor Nyamande vanoti sezvo coronavirus yakatangira kuChina, vanachiremba ava vanogona kunge dzave nyanzvi mukurwisana nechirwere ichi, kunyange hazvo pasati pave nemishonga inorapa kana kudzivirira chirwere ichi.

Asi vanoti vanachiremba ava vanofanirwa kuongororwa sezviri kungoitwa vanhu vose vari kubva kunze kwenyika vasati vasangana nevanhu munyika, uyewo kuti zvikwanisiro zvavaigira nyika zvinofanirwawo kuongororwa nenyanzvi dzezvehutano zvisati zvatanga kushandiswa kuitira kuti zvionekwe kana zvichishanda sezvinotarisirwa neWorld Health Organisation.

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG