Accessibility links

Breaking News

Varimi vePurazi reWadzanayi kuLalapanzi Vonetsana neKambani yekuChina YeAsia Ferry Yakapinda muPurazi Ravo


Kambani yezvizvarwa zvekuChina yeAsia Ferry inonzi iri kugezera chrome yayo mupurazi reWadzanayi kuLalapanzi. (M. Kindzeka/VOA)
Kambani yezvizvarwa zvekuChina yeAsia Ferry inonzi iri kugezera chrome yayo mupurazi reWadzanayi kuLalapanzi. (M. Kindzeka/VOA)

Varimi vepapurazi remushandirapamwe reWadzanayi Cooperative kuLalapanzi mudunhu reMidlands vanoti vari kushungurudzwa neimwe kambani yekuChina yeAsia Ferry, iyo vari kuti yakatora chidimbu chepurazi ravo uye vashandi vayo vari kugezera chicherwa che chrome mupurazi ravo.

Varimi ava vanotiwo zvizvarwa zvekuChina izvi zvatove kuchengeta makwai mupurazi ravo.

Munyori wemushandirapamwe uyu, VaDominic Mngwabi, vanoti kambani iyi inonzi yakapinda muchibvumirano nemuridzi wepurazi iri pedyo neyavo chekuti ishandise, asi yakatobvisa muganhu waivepo kare ichipinda mupurazi ravo.

Vanotiwo chiitiko ichi chakanganisa mhuri dzinosvika zana nemakumi manomwe nesere dziri papurazi reWadzanayi iri, kuburikidza nekuisa hutano hwavo pamwe nehwezvipfuwozvavo munjodzi yekukanganiswa nemishonga iri kushandiswa kugeza matombo ari kucherwa nekambani iyi.

VaMngwabi vanoti vakamboedza kuti vagare pasi nemukuru wekambani iyi anonzi Tony asi vanoti akaramba kutaura navo, akatovirima achiti vaende kunomhang'ara kwavanoda uye kuganza achiti haana zvavanomuita.

Vanoti vakazoperekedzwa negweta ravo neChitatu svondo rino vachinosiya gwaro rine nyunyuto dzavo kuhofisi yekambani iyi iri papurazi ravo, asi havasati vawana mhinduro.

Vanotiwo vakaedza kugara pasi nemuridzi wepurazi kuti varatidzane miganho yemapurazi avo iye achiedzawo kutaura vekambani iyi kuti vagarisane zvakanaka nevavakidzani vavo.

Studio 7 yakundikana kubata vakuru vekambani yeAsia Ferry kuti tinzwe divi ravo.

VaMngwabi vanoti rimwe dambudziko riri kukonzerwa nekambani yezvizvarwa zvekuChina iyi ndeye kuparadzwa kwemigwagwa yavopamwe neguruva ravanoti rave kutadzisa vagari kana kuwacha mbatya vachiyanika pamisha yavo.

Hurukuro naVaDominic Mngwabi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG