Accessibility links

Breaking News

Kushandiswa kweMari yeChina neIMF Koshandura Zvinhu Pasi Rose?


Mari yekuChina, Yuan, yave kushandiswa nenyika zhinji
Mari yekuChina, Yuan, yave kushandiswa nenyika zhinji

Kutambirwa kwemari yekuChina semari inogona kushandiswa nesangano rinokweretesa mari pasi rose, reInternational Monetary Fund, kana kuti IMF, kunonzi mucherechedzo mukuru wekuti dhora rekuAmerica rava kukwikwidzwa zvine mutsindo pasi rose.

Nyanzvi munyaya dzemari pasi rose dzinoti IMF yakatora danho iri mushure mekuona kuti China iri kufambira mberi zvikuru munyaya dzebudiriro, uye nyika dzakawanda dzinoshandisa zvinhu zviri kugadzirwa kuChina.

Kunyange hazvo mari yekuChina, Yuan, iine huremu huri pasi pedhora rekuAmerica, nyanzvi munyaya dzemari dzinoti kusimukira kuri kuita hupfumi hweChina kuchaita kuti mari yayo ive nesimba mumakore mashoma anotevera.

Dzimwe nyanzvi dziri kuyambira kuti mune remangwana vane mari dzavo vachaonekwa vachidyara mari dzavo mumakambani ekuChina, sezvo nyika iyi iri kuratidza kusimukira kune mutsindo.

IMF isangano rinoziva zvinoitika muna zana nemakumi masere neshanu, uye ndiro sangano rinobatsira nyika dzinenge dzichida mari yerubatsiro.

Vanoziva zviri kuitika muIMF vanoti kupinda kweChina mudura remari dzinoshandiswa nesangano iri, zvava kureva kuti maitiro esangano iri ava kuchinja, kuburikidza nekupihwa nzeve kunenge kwava kuitwa China.

Kutengeserana kweChina nenyika dzemuAfrica kuri kuramba kuchikwira. Mugore ra2009, China yakapfuura America mukutengeserana nenyika dzemuAfrica uye muna Ndira gore rino, China inoti kutenga nekutengeserana pakati penyika iyi nenyika dzemuAfrica kwakapfuura mabhirioni gumi nemanomwe emadhora.

Kutengeserana pakati peChina nenyika zhinji kuri kuramba kuchikwirira izvo zvave kukonzera kuti vanhu kana makambani anoisa mari mune dzimwe nyika, aise mari yavo mumakambani ekuChina.

Zvichitevera kupinda kwe Yuan mudura reIMF, nyika dzinoita gumi nenomwe dzemuAfrica dziri kuzeya kushandiswa kwe Yuan mukutengeserana pakati padzo.

Asi nyanzvi munezvemari nehupfumi uye vachidzidzisa zvemabhizimisi paDevry University kuOhio, Professor Elliot Masocha, vanoti havavimbi nemaitiro eChina.

Asi imwezve nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda neLabour, Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti China iri kubata nyika dzepasi rose nekuti hupfumi hwenyika iyi huri kukwirira zvekuti vemabhizimisi vemunyika dzakaita seAmerica vave kuda kuisa mari mumakambani ekuChina.

VaChitambara vanobvumirana naVaMasocha kuti Zimbabwe ngaigadzirise hupfumi hwayo. Vanotiwo Zimbabwe inofanira kurega kutengesa zvinhu kana zvicherwa zvinozonogadzirwa kunze kwenyika sezviri kuitika kufodya nemangoda.

VaChitambara vanoti hapana zvekuchadzvenga China nekuti masimba ezvehupfumi ari kuchinja asi Zimbabwe inofanira kushanda nesimba kuti isasaririra.

Zvamira zvakadai, VaChitambara vanoti America inofanirwa kusunga dzisimbe kuitira kuti isapinzwe parumananzombe neChina.

Nyanzvi dzinoti China iri kushandisa hunyanzvi hwavo mukutenga zvicherwa semubhadharo wainopihwa nenyika, zvikuru dzemu Africa dzinenge dzatenga zvinhu zvayo, kanawo nyika dzinenge dzapihwa mari yekusimudzira nyika idzi.

Izvi zvinoita kuti China ive nehupfumi hwakasimba, kuburikidza nezvicherwa zvainenge yaunganidza, kana kuti sound money.

Dzimwe nyika dzakabudirira dzine hupfumi hwe fiat currency, uhwo hunovapo kuburikidza nekuvimbika kwehurumende uko kunopa veruzhinji kuti varemekedze mari inodhinda nedzihurumende dzakadai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG