Accessibility links

Breaking News

Musangano weForum on China-Africa Cooperation Summit Unotanga muBeijing


Nyika dzemuAfriuca dzakawanda dziri kupindawo musangano uyu kuChina.
Nyika dzemuAfriuca dzakawanda dziri kupindawo musangano uyu kuChina.

Musangano weForum on China-Africa Cooperation Summit (focac), uyo uri kuitwa kuBeijing, kuChina wavhurwa zviri pamutemo neMuvhuro nemutungamiri wenyika iyi VaXi Jinping.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kuChina, vanotarisirwawo kuzotaurawo pamusangano uyu, uyo uri kupindwa nevatungamiri venyika dzemu africa vakawanda.

Vachitaura nenhepfenyuro yeChina Global Television Network (CGTN) pamberi pemusangano uyu, VaMnangagwa vati Zimbabwe yashanduka kuve nyika itsva, vakati kana paine nyika dziri kutadza kuona izvi dzakapofomara.

VaMnangagwa varumbidzawo hushamwari hweChina nenyika dzemuAfrica. Zimbabwe yagara iri kubatsirwa neChina nezvikwereti zvemari, uye Africa inonzi yavimbiswa mari inoita mabhiriyoni makumi matanhatu emadhora neChina.

Nyanzvi mune zvemabhizimisi uye vachidzidzisa paDevry University, Professor Elliot Masocha, vanoti kukwereta mari kubva kuChina hakuna kuipa asi Zimbabwe inofanirwa kutarisisa zvibvumirano zvainonyorerana nenyika iyi kuitira kuti isazorasikirwa pakakura yatadza kubhadhara mari iyi.

Hurukoro naDoctor Elliot Masocha
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG