Accessibility links

Breaking News

Chimwe Chizvarwa CheZimbabwe Chiri muChina Chotaura Nezve Corona Virus


Samatha Sibanda China
Samatha Sibanda China

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta reBeijing muChina, muzvare Samatha Sibanda, vanoti huremende yemunyika iyi yawedzera mazuva ekuti vanhu varambe vakavharirwa mudzimba dzavo kubva pazuva ra Kukadzi 17 kusvika medzi uno uya.

Vanoti hurumende yeChina yakaisa vanhu pamaghedhi enzvimbo dzinogara vanhu kuti vaongorore vanenge vachida kumbobuda vachitwasanudza makumbo munharaunda dzavanogara.

Chirwere ichi chinonzi charura munyika iyi uye sangano re World Health Organisation rakatara kuti chirwere ichi chitorwe sechirwere chavhiringa pasi rose chinofanirwa kutariswa nekukasika.

Muzvare Sibanda vanoti muzinda weZimbabwe wakabatana nehurumende yeChina varikubatsira vamwe vadzidzi vanobva kuZimbabwe nezvinhu zvakadayi sechikafu nezvimwe,

"Parizvino hatisati tanzwa kuti pane chizvarwa cheZimbabwe chakabatwa nechirwere ichi asi tirikuwana zvinyorwa kubva kumuzinda weZimbabwe uri muno muBeijing vachitizivisa nzvimbo dziri kuwanikwa rubatsiro kune avo vanenge vafungidzira kuti vabatira chirwere che Corona Virus," muzvare Sibanda vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG