Accessibility links

Breaking News

Mutongi weDare kuMasvingo Anoendesa Mberi Zuva reKunzwikwa kweNyaya yekuChilonga


Vagari vekuChilonga vanodarika zviuru gumi nezviviri vari kunzi vabve mavagere murimwe sora rechikafu chemombe.

Mutongi wedare repamusoro muMasvingo, ambosendeka
parutivi kunzwikwa kwenyaya yekuda kumisa hurumende kutamisa vagari
vanodarika zviuru gumi nezviviri kubva pamisha yavo kuChilonga kuChiredzi
kuti vadziurire kurimwa kwesora remombe nekambani yemukaka yeDendairy.

Hurumende kubudikidza nemapazi ayo anoti, bazi rezvekutongwa
kwematunhu, bazi reminda nemvura, pamwe nebazi regurukota reMasvingo,
nekanzuru yeChiredzi, vakaendeswa kudare nenyaya iyi nesangano
rinomiririra kodzero dzevanhu, reMasvingo Centre for Research and
Development(MACRAD), nemumwe mugari wekuChilonga, VaLivison Chikutu, avo vanoda kuti chirongwa ichi chimbomiswa.

Gweta reMACRAD naVaChikutu, VaMunyaradzi Vengesai, vesangano re
Zimbabwe Environmental Law Association(ZELA), vati mutongi wedare
repamusoro, VaNevile Wamambo, vambosendeka nyaya iyi parutivi kusvika
musi wa 18 Kurume, unove mwedzi uno, sezvo magweta ehurumende auya asina kugadzirira zvakakwana mudare.

VaVengesayi vanoti nyaya yavo inofanira kunzwikwa nechimbi chimbi asi
hurumende haisati yaisa mapepa ayo akakwana mudare ekuramba nyaya iyi
nekudaro vazokumbira kugadzirisa mapepa avo kusvika svondo rinouya.
Hurumende yakashandura mutemo wekutanga wekuda kudzinga vagari
vekuChilonga zviri pamutemo, uyo waiti vabve parimwe sora remombe
reLucerne ichiisa mumwe mutemo mutsva wekuti kwave kuda kuitwa
madiridziro.

VaVengesayi vati kushandurwa kwemutemo uyu hakukanganisi nyaya yavo
mudare nekuti vanhu vachangotamiswa pavonogara vachiendeswa kumwe
kunyange vakaiswa munzvimbo imwecheteyo.

Mumapepa avo mudare, veMACRAD vanoti mutemo wakaiswa nehurumede
unotyora kodzero dzevanhu uye unopikisana nemimwe mutemo iri mubumbiro renyika.

Mumwe mugari wekuChilonga, Amai Shalati Chauke, vanoti matambudziko
mazhinji kana vakatamiswa akatarisana nemadzimai nekudaro vanotarisira kuti matare achamisa chirongwa ichi.

Kambani yeDendairy yakavambwa nemhuri yekwaCoetzee muna 2004, pamwe neimwe kambani yekuEurope, Spear Capital, iine zvikamu makumi maviri nezvinomwe kubva muzana, kana kuti 27% zvehupfumi muDendairy, iyo yakatanga kushandira kuRedcliff mudunhu reMidlands.

Vakuru vakuru muDendairy vanosanganisira VaAndrew Bradnick, VaNeville
Coetzee, Amai Cherly Coeztee naDarly Archibald. VaCoetzee vanonzi murimi wechichena anowirirana zvikuru nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Mune imwewo nyaya, mumwe mugari weMasvingo, Tamutswa Chikonyora,
apuwa mazuva makumi maviri ekugara mujeri kana mukana wekubhadhara
mari yefaindi inosvika zviuru zvishanu zvemadhora mushure mekubatwa nemhosva yekurova vaimbova Meya weMasvingo, VaHubert Fidze mugore ra2014.

Gweta raChikonyora, VaMartin Mureri vati mutongi wedare
reMajisitireti, Muzvare Grace Tupiri, vawana Chikonyora aine
mhosva.

Chikonyora akapara mhosva iyi pamwe nemukuru wesangano reMasvingo
Residents Trust, VaProsper Tiringindi, avo vakabatwawo nemhosva iyi
muna 2014, yekurova VaFidze vachivapomera mhosva yekukonewa kufambisa mabasa ekanzuru yeMasvingo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG