Accessibility links

Breaking News

Sangano reChildline Rinoti Kodzero dzeVana Dziri Kutyorwa Zvakanyanya


Sangano reChildline rinoti kushungurudzwa kwevana munyika kuri kuenderera mberi huye nyaya zhinji dzavari kuwana dzevanasikana ndedzekushungurudzwa pabonde.

Muzvare Maureen Kambarami vanoshanda nesangano reChildline vanoti pagore vanowana nyaya dzekushungurudzwa kwevana dzinosvika zviuru gumi nezvina.

Vatiwo zvikamu makumi matatu kubva muzana zvenyaya idzi dzinenge dziri dzekushungurudzwa kwepabonde vazhinji vacho vari vanasikana.

Muzvare Kambarami vatiwo munyaya dzekushungurudzwa kunyanya kwevanasikana pabonde, zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana vana vanoshungurudzwa nemunhu wehukama kana kuti wavanoziva.

Vatiwo zvinhu zvakaita sehurombo huri munyika zvinowedzerawo mikana yekushungurudzwa kwevanasikana.

VaMarshal Kaseke vanoshandawo nesangano iri vanotiwo vari kushandawo nebazi rezvedzidzo kuisa nharembozha muzvikoro zvekumamisha kuitira kuti vana vari kunzvimbo idzi vakwanisewo kutsvaka rubatsiro kana vasangana nematambudziko ekushungurudzwa.

Childline inoti mugore ra2017, pamwana mumwe chete mukoma akashungurudzwa, vanasikana gumi nemumwe vakashungurudzwa. Childline inotiwo gore rino ichaita mhemberero dzezuva reChild Helpline rinocherechedzwa musi wa 17 Chivabvu pasi rese kuMasvingo pasi pedingindira rekuti, Using Inclusive technology for children and young people’s wellbeing. All day everyday.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG