Accessibility links

Breaking News

VaTawanda Chikosi Vanowana Mubairo weYoung Achievers Award


VaTawanda Chikosi VeRoad Rules App
VaTawanda Chikosi VeRoad Rules App

Mumwe muzvinabhizinesi wechidiki, Va Tawanda Chikosi, avo vakatanga app yavo inonzi Road Rules inobatsira vanoda kutora zvitupa zvekudzidzira kutyaira motokari, kana kuti provisional licence, vanoti vari kufara kuti mumwe wevanhu vakawana mubayiro we Young Achievers Award.

Chirongwa chemubayiro uyu chinokokerwa nebepanhau rezvehunyanzvi re Technology Magazine, kana kuti Technomag.

VaChikosi vanotenda zvidzidzo zvavakawana kuAmerica makore mashoma apfuura pasi pechirongwa chaikokerwa nemuzinda weAmerica icho vanoti chakavabatsira zvikuru mukuva neruzivo rwekugadzira app yavo iyi yazovawanisa mubairo.

VaChikosi vanoti ivo nevamwe vemukambani yavo vakashanda kwemakore maviri nechidimbu kuti vazokwanisa kusvika pavasvika apa ne app yavo yemitemo yemigwagwa, kana kuti Road Rules.

Mibairo iyi yakapihwa vakaita mabasa anonwisa mvura munyaya dzezvehumhizha mugore rino.

"Ndiri kufara nemubairo uyu senzvo ini nevamwe vandinoshanda navo taka tanga kugadzira app yedu ye road rules makore maviri nechidimbu apfura uye parizvino tirikutarisira kuti tirambe tichisimbaradza basa redu rehumhizha kuitira kuti tiwane mamwe bakambani ekudyidzana nawo anoita mari irikubadharwa nevanoshandisa Road Rule App idzikire" VaChikosi vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG