Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe nevemasangano akazvimiririra vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nemadzishe nemasabhuku eku Chiredzi, Mwenezi pamwe ne Chivi South, avo vanoti vari kuramba kubatsira vagari munzvimbo idzi kuitira kuti vakwanise kunyoresa.
Mashoko ari kubuda anoti madzishe aya ari kunyima vanofungidzirwa kuti vatsigiri vemapato anopikisa matsamba anoratidza pavanogara kuitira kuti vanyorese.
Madzishe aya anonziwo ari kumakidza vanhu ava kubvisa chioko muhomwe, vamwe vachibvisiswa zvipfuwo zvakaita sehuku, mbudzi pamwe nekutengeswa doro rendari kuti vazonyorera vagari tsamba dzeuchapupu.
Sachigaro we MDC-T muMasvingo, VaJames Gumbi, vanoti havasi kufara nezviri kuitwa nemasabhuku nemadzishe.
VaGumbi vanoti madzishe aya ari kunyanya kushungurudza vatsigiri vavo nekudaro zvinogona kuita kuti vazhinji vasazovhote gore rinouya.
Masangano akazvimirira anotiwo ari kutsutsumwa zvikuru nehuori huri kuitwa nemadzishe nemasabhuku hwekubhadharisa vanhu zvipfuwo.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revechidiki, re Community Tolerance, Reconciliation and Development Trust, kana kuti COTRAD, VaZivanai Muzorodzi, vanoti madzishe achatadzisa kuti vechidiki vazhinji vanyorese kuvhota nekuti havana zvipfuwo.
Asi VaGumbi vati kunyange masabhuku ari kuda zvipfuwo ivo vakaendesa vatsigiri vebato mumawadhi enzvimbo idzi kuti vape vanenge vanyimwa tsamba mafomu eVR9 akasainwa nenhengo dzvavo dzeparamende pamwe nemagweta avo kuti vakwanise kunyoresa.
Mamwe masangano akaita seMasvingo Human Rights Trust anoti zviri kuitwa nemadzishe kutyora kodzero dzevanhu dzekuvhota dziri mubumbiro remitemo yenyika.
Studio 7 yakundikana kutaura nemukuru wemadzishe nemasabhuku munyika, Mambo Fortune Charumbira, kuti vatipe pfungwa dzavo, vachinzi vari kuSouth Africa nemunhu adaira nhare yavo.
Kunyange hazvo kwakabuda mashoko ekuti Masvingo ine vanhu vakawanda vanyoresa kuvhota kupfuura mamwe matunhu munyika, vazhinji vari kunetseka nekunyoresa nezvikonzero zvakawanda.
Zvimwe zvacho ndezvekuti chirongwa ichi hachina kushambadzwa zvakakwana zvekuti vanhu vazhinji havana ruzivo rwekuti vanonyoresera panzvimbo dzipi.
Kunyoresa munzvimbo dzeMwenezi, Chivi South neChiredzi kuri kupera musi wa Gumiguru 25, 2017.
Mushure mezvo chirongwa ichi chinenge chopinda mumamwe matunhu ari muMasvingo.
Facebook Forum