Accessibility links

Breaking News

Mambo Zvimba Vaendeswa kuMatare neMhuri yaVaMugabe


Bona Mugabe-Chikore, Daughter of Late President Robert Mugabe
Bona Mugabe-Chikore, Daughter of Late President Robert Mugabe

Vana vevaimbove mutungamiri wenyika, muchakabvu Robert Mugabe, vakazivisa matare kuti vari kupikisa mutongo wakapihwa naVaStanley Wurayayi Mhondoro, vanove Mambo Zvimba kuti vari kupikisa mutongo wavakapa wekuti VaMugabe vafukunyurwe kuitira kuti vavigwe kumarinda anovigwa magamba eHeroes Acre.

Vana vanoti Bona Mutsahuni Mugabe, Bellarmine Chatunga Mugabe
naTinotenda Robert Mugabe vakanyorera dare ramejasitiriti muChinhoyi
kuti vari kupikisana nemutongo waMambo Zvimba.

Mugwaro rekuzivisa matare kana kuti Notice of Appeal rakadhindwa nezuro vana vaVaMugabe vanoti Mambo Zvimba vakaita zvisiri pamutemo
nekunzwa nyaya iyi yainge yaunzwa naVaTinos Manongovere.

Gweta revana vaVaMugabe, VaFungai Chimwamurombe, vabvuma kuti ndivo vari kufambisa nyaya yaVaMugabe.

Vati vari kupikisa mutongo vachiti Mambo Zvimba havaifanirwa kunzwa nyaya yakadai sezvo vasina masimba acho uye hurumende yakabatsira mukuvigwa kwaVaMugabe.

VaChimwamurombe vati nyaya iyi ichanzwikwa muChinhoyi musi wa29 Chikumi.

Taedza kubata Mambo Zvimba kuti tinzwe kuti vachaita sei sezvo mutongo
wavo wave kupikiswa asi munhu adavira mbozhanhare yavo asina kuda
kuzivikanwa, ati Mambo havana chekutaura sezvo vasiri ivo vakazvipa
nyaya achiti tibate mumhan’ari VaManongovere avo vanga vasingadavire
mbozhanhare yavo.

VaManongovere vakamhan’arira Amai Grace Mugabe kudare raMambo vachivapomera mhosva yekuti vainge vaviga VaMugabe pamba pavo izvo
zvisingabvumirwe netsika yemaZvimba.

Mambo Zvimba vakawana Amai Mugabe vaine mhosva ndokupa mutongo wekuti varipe matsiru mashanu nesheshe yembudzi, uye kuti mutumbi waVaMugabe ufukunurwe kuitira kuti uvigwe kuNational Heroes Acre.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG