Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC, VaChamisa, Vanoshanyira Mambo Ndiweni kuJeri reKhami


Mambo Ndiweni, VaFelix Nhlanhlayamangwe Ndiweni.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, neMugovera vakashanyira mambo wekuNtabazinduna KuMatabeleland, VaFelix Nhlanhlayamangwe Ndiweni, avo vari kupika jeri vari Khami Maximum Security Prison, iro riri kunze kweBulawayo.

Mambo Ndiweni vakatongerwa kugara mujeri iri kwemwedzi gumi nemisere mushure mekuwanikwa kwavo pamwe chete nevamwe varume makumi maviri nevatatu, vaine mhosva yekuparadza midziyo yemumwe murume aigara mudunhu mavo.

Asi vanonzi vari kupikisa mutongo uyu.

Vamwe vanoti mutongo wakapiwa mambo uyu une chekuita nezvematongerwo enyika, sezvo vachionekwa sevanopikisa hurumende mune zvakawanda.

Asi vamwewo ndivo vanoti Mambo Ndiweni vanofanirwa kupika jeri ravo, sezvo vakatyora mutemo mukuparadza kwavakaita midziyo yemunhu wemudunhu mawo uyu.

Mutauriri waVaChamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti VaChamisa vakaperekedzwa kujeri uku nevamwe vehutungamiri hwebato ravo.

Doctor Sibanda vanoti VaChamisa naMambo Ndiweni vakave nenguva yakanaka chose vari vaviri vachikurukura zvakawanda, zvinosanganisira matambudziko akatarisana nenyika.

Doctor Sibanda varambawo mashoko ekuti bato ravo rakarasa mambo ava kubva pavakasungwa.

Hurukuro nDoctor Nkululeko Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG