Accessibility links

Breaking News

Mutongi Mukuru weMatare eDzimhosva Oburana neVamwe Vatongi


Chief Justice Luke Malaba
Chief Justice Luke Malaba

Vatongi vematare edzimhosva vanyorera tsamba mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachinyunyuta nezviri kuitwa nemutongi mukuru wematare edzimhosva, Chief Justice Luke Malaba.

Tsamba iyi VaMalaba vari kupindira mumafambisiro anoitwa basa nevatongi vematatre kubva kumatare amajisitireti kusvika kumatare epamusoro

Vatongi ava vatiwo havasi kufara kuti VaMalaba vari kupindirawo mukuturwa kwemitongo nemamejasitiriti kubudikidza nehofisi yemukuru wemamejasitiriti kana kuti chief magistrate, VaMunamato Mutevedzi.

Vatongi ava vatiwo havasi kufara nekuti VaMalaba vari kugarawo panotongwa nyaya mudare reConstitutional Court dzinenge dzakwidzwa kudare iri kunyange hazvo vakambove nechekuita nenyaya idzi mumatare epasi.

Vatongi ava vatiwo mari dzavo dzemihoro dzave shoma zvikuru zvekuti vave kutodarikwa mari dzavanotambira nemagweta achangotanga basa zvavati zvinoita kuti vashoreke uye basa ravo risafambe zvakanaka.

Tsamba iyi inouya apo mumwe mutongi wedare repamusoro, Amai Erica Ndewere, vakambomiswa basa vachipomerwa mhosva yekusafambisa basa zvakanaka.

Amai Ndewere vakamboisa mapepa avo kudare vachiti VaMalaba vari kupindira mumafambisirwo enyaya mumatare asi vakazobvisa mapepa aya kudare.

Mumapepa aya Amai Ndewere vaiti VaMalaba vakanga vachivaudza kuti vatura mutongo wekuroverera vaimbova gurukota rezvekushanyirwa kwenyika Amai Prisca Mupfumira pamwe naVaJob Sikhala panyaya dzaive mumatare.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMalaba kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Munyori musangano reJudicial Services Commission, VaWalter Chikwanha, vati tivatumire mibvunzo asi pataenda pamhepo vanga vasati vapindura mibvunzo iyi.

Mutungamiri weLaw Society of Zimbabwe, VaMasiye Moyo, vanga vasati vatipawo pfungwa dzavo pataenda pamhepo.

Asi rimwe gweta remuHarare, VaKudzai Kadzere, vati zvataurwa nevatongi mutsamba yavo zvave nenguva zvichiitika.

Mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, vanga vasiri kudaira nharembozha yavo kuti tinzwe kuti matanho api achatorwa naVaMnangagwa panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG