Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vozeya Zvakaitwa naVaChidyausiku Vari Mukuru weVatongi


Godfrey Chidyausiku
Godfrey Chidyausiku

Nyanzvi munyaya dzemitemo pamwe nevanoongorora zvematongerwo enyika vanoti vanorangarira vaimbova mutongi mukuru wematare, VaGodfrey Chidyausiku, nenzira dzakasiyana-siya mumabatiro avakaita basa ravo.

VaChidyausiku, avo vakashaikira kuSouth Africa neChitatu, vange vave pamudyandigere.

Nyanzvi munyaya dzemitemo vachidzidzisa paKent University ku Britain, VaAlex Magaisa, vanoti VaChidyausiku vaive neruzivo rwakanyanya munyaya dzemutemo, uye vakaita nyaya dzakawanda dzakafadza pamwe nekusuwisa vamwe.

VaMagaisa vanoti mimwe yemitongoyakanetsa munyika, inosanganisira waibata kutorwa kwemapurazi pasina muripo.

Asi VaMagaisa vanotiwo mimwe mitongo yaVaChidyausiku yaishorwa zvikuru nevanorwira kodzero dzeveruzhinji pamwe nevari mune zvematongerwo enyika vasingatsigiri bato reZanu PF.

Nhengo yeZanu PF inomirira Makonde muparamende, VaKindness Paradza, vanoti naivowo vanorangarira VaChidyausiku nekupa minda kuvatema.

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaObey Shava, vanoti VaChidyausiku vakaparadza kuzvitonga kuzere kwematare edzimhosva.

Vakamboita mutungamiri weLaw Society of Zimbabwe, VaTinoziva Bere, vatiwo semunhu akambotungamira magweta munyika, vanorangarira VaChidyausiku nebasa rakanaka ravakabata rekubatanidza magweta nevatongi vematare panguva iyo hukama uhwu hwaive hwakashata zvachose.

VaChidyausiku, avo vakashaya vave nemakore makumi manomwe ekuberekwa, vakadomwa semukuru wevatongi muna 2001, vachitora basa rakanga rasiiwa naVaAnthony Gubbay, avo vakamanikidzwa nehurumende kuenda pamudyandigere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG