Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeZanu PF Yakasungirwa Mhirizhonga Yobvisiswa Mari yeChibatiso Mushure


Nhengo dzeParamende
Nhengo dzeParamende

Mumiriri weChegutu muparamende, VaDexter Nduna, vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kubva.

VaNduna, avo vari kutongwa nevamwe vavo vatanhatu panyaya yekuita zvemhirizhonga, vachatongwawo vega nenyaya yekuridza pfuti paruzhinji.

Panya dzavo mbiri, VaNduna vanzi nemutongi wedare remuChegutu, VaFelix Chauromwe, vabhadhare madhora zana panyaya imwechete uye kuti vagare pamba pavakanyoresa kuti ndipo pavanogara uye nekuti vasakanganise kuferefetwa kwenyaya yavaro kupomerwa.

Vachitura mutongo wavo, VaChauromwe vati hapana chikonzero chekurambira VaNduna mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo mutemo mutsva uri pachena kuti ikodzero yemusungwa wose kuti atongwe achibva kumba.

VaChaoromwe vati munhu anonyimwa mukana wekutongwa achibva kumba kana paine zvikonzero zvakasimba nekunzwisisika asi vati vachuchisi vakatadza kupa zvikonzero zvakasimba zvekuti vasapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

VaChauromwe vashora chimwe chikonzero chekuti VaNduna havafanirwe kupihwa mukana wekubuda muhusungwa sezvo hupenyu hwavo huri munjodzi nevanhu vachiti zvinoratidza kuti VaNduna munhu wevanhu nekuti vakavhoterwa vakakunda musarudzo dzemaprimary eZanu PF izvo zvakakonzeresa mhirizhonga yakaitika.

VaNduna vanzi vadzoke kumatare edzimhosha pachatanga kutongwa nyaya dzavo musiwa 16 Chikunguru.

VaNduna vakawanikwa vaine mhosva yekushandisa pfuti zvisingabvumirwe paruzhinji, vanogona kukandwa mujeri kwemakore anosvika mashanu, uye vakawanikwa vaine mhosva pamhirizhonga yavari kupomerwa, vanogona kukandwa mujeri kwemakore gumi, kana kubvisa mazakwatira emari yefaindi.

Nyanzvi yezvemitemo yesarudzo uye vachishanda nebazi reElection Resource Centre, VaCollin Chibago, vanoti munhu anorambidzwa nemitemo kukwikwidza kana atongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu kana kupfuura asi anokwanisa kukwikwidza kunyange ayine nyaya iri pamberi pematare.

VaChibago vanoti munhu akazotongerwa mwedzi mitanhatu kana kupfuura asarudzwa kuve nhengo yeparamende anomira kuve nhengo yeparamende mushure mekuwanikwa aiine mhosva.

Vachitaura kuvatsigiri vavo pavabuda muhusungwa VaNduna vati hapana zvavanoitwa nemhandu dziri kuda kuvadzivisa kuve mumiriri weChegutu.

VaNduna vati hapana zvekurovera bhora musango kana kuvhotera pasiriipo muChegutu.

Mapurisa ekuSelous anonzi ari kuferefetawo nyaya yekuridza pfuti paruzhinji kunonzi kwakaitwa nasachigaro wevechidiki mudunhu reMashonaland West, VaVengai Musengi avo vakakundwa naVaWebster Shamu musarudzo dzekuChegutu East.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG