Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance neVamwe Votarisira Kuti Kupindira kweANC Munyaya Dziri Kunetsa muZimbabwe Kuchaunza Pundutso


Bare reAfrican National Congress kuburikidza nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, riri kutumira chikwata kuZimbabwe chichanonzwa nezvematambudziko ari munyika.
Bare reAfrican National Congress kuburikidza nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, riri kutumira chikwata kuZimbabwe chichanonzwa nezvematambudziko ari munyika.

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, neMuvhuro vakazivisa kuti vachaita kuti bato ravo ritumire chikwata nekukasika kuZimbabwe kuti chinzwisise nezvematambudziko akatarisa nenyika.

Mashoko aVaRamaphosa aya akatambirwa nemufaro nevakawanda munyika, kusanganisira vebato rinopikisa reMDC Alliance, avo vari kuti nyaya dziri kunetsa muZimbabwe dzinogadziriswa chete nemuyananisi asina divi raakarerekera.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti kupindira kwaita bato reAfrican National Congress rekuSouth Africa mumatambudziko ari muZimbabwe uku kunoratidza hudzamu hwematambudziko aya, pamwe nekuti anoda kugadziriswa nechimbichimbi.

VaHlatywayo vanoti bato ravo reMDC Alliance rinotambira nemufaro hurongwa uhwu riine tarisiro yekuti rwendo rwuno chikwata ichi chichaitawo kuti chisangane naro sezvo chimwe chikwata chakambotumirwa naVaRamaphosa mwedzi wapera chakangosangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, chete.

VaMnangagwa nebato ravo reZanu PF vagara vari kuti munyika hamuna matambudziko angada kuti vekunze vapindire.

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaObert Mpofu, vakaudza bepanhau reHerald kuti rwendo rwechikwata cheANC urwu harwuneyi nematambudziko anonzi ari munyika, asi kuti nderwekuzivisana mamiriro akaita zvinhu mudunhu reSADC, iro vakati raita vari kuda kurikanganisa vachishanda nevekunze.

Nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vanoti hongu rwendo rweANC urwu rwakanaka sezvo bato ravo reZanu PF nebato reANC mapato agara achidyidzana, uye aine nhoroondo yekusungura nyika dzawo ose.

VaMuponda vanoti kuuya kwechikwata cheANC uku hakuna zvakunobatsira mukugadzirisa matambudziko ari munyika sezvo matambudziko aya ari kukonzerwa nezvirango zvakatemerwa Zimbabwe nevekumadokero, izvo zvakakumbirwa nebato reMDC.

Vanotiwo mushure mesarudzo dzemuna 2018 mutungamiri weZanu PF VaMnangagwa vakunda, mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vakabuda pachena vachiti vachazvidira jecha, kureva kuti vaitaura kuti vachakanganisa zvinhu.

Asi VaHlatywayo vanoti bato reZanu PF ragara richishandisa nyaya yezvirango kunyepera vana veZimbabwe kuti ndipo pane dambudziko, iro dambudziko riri pakutadza kutongwa kwenyika nebato riri kutonga iri.

Ukuwo, VaMuponda vanoti pachinzvimbooo chekudaidza vekunze kuti vapindire mumatambudziko eZimbabwe, MDC Alliance inofanirwa kumirira sarudzo muna 2023, vachiti bato rinopikisa iri rinofanirwa kutotanga kutsvaga rutsigiro iye zvino sezviri kuita bato ravo reZanu PF.

Hurukuro naVaClifford Hlatywawyo pamwe naVaGibert Muponda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG