Accessibility links

Breaking News

VaBornwell Chakaodza Vanorangarirwa muHarare


Mupepeti wenhau akashaya makore mashanu apfuura, VaBornwell Chakaodza, varangarirwa muHarare paine kurudziro yekuti vatori venhau vanofanira kuita basa ravo zvine hunyanzvi.

Vachitaura pachidzidzo cheBornwell Chakaodza Memorial Lecture Series chinorongwa neVoluntary Media Council of Zimbabwe, VMCZ, kurangarira mabasa aVaChakaodza, VaTakura Zhangaza, vati vatori venhau munyika havana kubatana izvo zvinoita kuti vasakunde muhondo dzavo dzekugadzirisa mashandiro avo.

VaZhangazha, avo vakambotungamira VMCZ neMedia Insitutute of Southern Africa – Zimbabwe, vatiwo nyaya dzekuti vamwe vatori venhau vanopihwa chioko muhomwe inosvibisa chimiro chevatapi venhau pamberi peveruzhinji.

VaZhangazha vati kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi, vemakambani enhau vanofanira kutsvaga dzimwe nzira dzekuwana mari kuti vabhadhare mari pamwe nekusimudzira mabhizimisi avo.

Muzvare Kholiwe Nyoni veMISA-Zimbabwe vabvuma kuti vatori venhau munyika havana kubatana uye vari muzvikwata zvikwata zvinoenderana nekuti munhu anoshandira kambani ipi.

Vati kusabatana uku kunonyanya panguva iyo nyika inenge yakatarisana nesarudzo.

Vanotiwo nguva zhinji hapana kubatsirana kana vamwe vatori venhau vachinge vasungwa kana kushungurdzwa nemapurisa.

Mukuru wesangano reMedia Monitoring Project Zimbabwe, Patience Zirima, vati vanozviona muongororo dzavo kuti dzimwe nguva vatori venhau vanoita basa risingingagutse varuzhinji.

Mukuru wesangano remubatanidzwa wenhepfenyuro dzematunhu reZimbabwe Association for Community Radio Stations, Viana Marara, vati vanobvumirana naVaZhangazha kuti vatori venhau vanofanira kufarira basa ravo nekuzviremekedza kana vachida kuti varemekedzwe neveruzhinji nevamwe.

Mukoma waVaChakaodza uyo autara akamirira mhuri, VaAustin Chakaodza,vati zvinosuwisa kuti kunyange hazvo muzvinyorwa zvake, mufi airwira kuti munyika muve nehutongi kwejekerere, vanhu vachiri kumbunyikidzwa.

Vati mweya wemunin’ina wavo uchafara chose kana mubatanidzwa wemapato anopikisa ukakunda musarudzo dzegore rinouya.

VaChakaodza, avo vaive nhengo yeVMCZ pavakashaya, vakashandawo semupepeti weHerald uko vakadzingwa nehurumende ndokushandawo neStandard.

Vasati vaenda kuHerald, VaChakaodza vaive mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mubazi rezvekuburitswa kwemashoko.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG