Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vanoti Hurumende Iri Kuburitsa Mari Inokwana Kutengera Nyika Mafuta Anodiwa Nguva Dzose


Governor John Mangudya
Governor John Mangudya

Bhanga guru renyika raudza komiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto kuti riri kuburitsa mari yekunze inokwana kutengera nyika mafuta edzimotokari.

Asi vanotengesa mafuta aya vanoti havasi kuwana mafuta akakwana, izvo zviri kupa kuti mumagaraji muite mitsetse yakareba.

Izvi zvabuda pagara komiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto apo yanga ichida kunzwisisa kuti chii chiri kukonzeresa kushaikwa kwemafuta edzimotokari munyika izvo zviri kupa kuti kuite mitsetse mirefu refu pamagaraji anotengesa peturu nedhiziri.

Vachipa humbowo pamberi pekomiti iyi, gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vati vanotokatyamadzawo vachiona mitsetse mirefu refu iyi sezvo nyika iri kutenga mafuta anofanirwa kukwanira nyika yose.

VaMangudya vati kushomeka kwemafuta uku kunoratidza kuti pane pari kuitika huori.

VaMangudya vati sezvo dambudziko iri rave nemakore richiitika, hurumende yaona zvakakodzera kuti vedzimotokari vashandise anonzi masmart card pakutenga mafuta vachiti kadhi iri rinenge richiratidza huwandu hwemafuta anenge amwiwa nemotokari yega yega pagaraji rinenge rashandiswa kutenga Mafuta aya.

VaMangudya vati panopera mwedzi uno vanenge vamboedza kushandisa kadhi iri kuona kuti zvinoshanda here.

Asi vemagaraji anotengesa mafuta varamba kuti vari kuita huori. Vati chokwadi chiripo ndechekuti havasi kuwana mafuta akakwana anotengeswa nemari yemuno.

Makambani anotengesa Mafuta anoti Total, Engen, Zuva, Puma neGlow Petroleum ati pari nzvino haana mafuta edzimotokari anotengeswa nemari yemuno.

Kambani yePuma yati iri kuwana zvikamu makumi mashanu nezviri kubva muzana zvemafuta ainoda pamwedzi, ukuwo Zuva ichiti iri kuwana zvikamu zviri pakati pemakumi mana nemakumi mashanu kubva muzana.

Asi sangano reIndegenous Petroleum Association of Zimbabwe, IPAZ, rati kunyange hazvo magaragi makuru akaita sana Total, Zuva, Puma nemamwe ari kuwaniswa Mafuta, nhengo dzaro hadzisi kuwana mafuta anotengwa nerubatsiro rwebhanga guru renyika.

Vachiudza komiti iyi, sachigaro weIPAZ, VaAaron Chinhara, vati vakapedzisira kuwana mafuta aya musi wa 14 Kurume.

VaChinhara vati hapana ruzivo rwuri pachena kuti ndivanani vari kupiwa mafuta aya huye ari kutengwa akawanda zvakadii pamwedzi wega wega

VaChinhara vati kunyange hazvo VaMangudya vati kwakashandiswa mari iri pakati pemamiriyoni makumi masere nemamiriyoni zana emadhora ekuAmerica, nhengo dzavo makumi manomwe nevanomwe hapana chavakawana.

Zimbabwe Regulatory Authority kana kuti ZERA yatiwo mafuta akawanikwa nyore neveruzhinji, huori munyaya dzemafuta edzimotokari hunopera.

Vakafanobata chigaro chemukuru weZERA, Engineer Eddington Mazambani, vabvumawo kukomiti iyi kuti huori hwakanyanya mukutengeswa kwemafuta vakati zvinovashamisawo kuti sei nyika yonyanyoda mafuta akawanda zvakanyanya kudai pamwedzi. VaMazambani vabvumawo kuti mari iri

kutengwa mafuta pachishandiswa mari yemuno yakanyanyoderera zvakanyanya asi vakati havakwanisi kukwidza mutengo kuti uenderane nemari yepamusika mutema vachiti izvi zvinokonzera kukwira kwezvinhu kwakanyanya munyika.

Pari zvino peturu iri kufanirwa kutengwa nemadhora makumi maviri nerimwe parita, dhiziri richiitawo madhora makumi maviri memasendi makumi masere nemana parita.

Komiti iyi yatiwo kushaikwa kwemafuta uku kuri kudzorera shure kurwiswa kwechirwere cheCovid-19 sezvo vanhu vari kupedzisira vaungana vakamirira mafuta aya sezvo vari kumira mumitsetse kwenguva yakareba zvakanyanya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG