Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vanoti Vanotengesa Mafuta Vari Kuita Chitsotsi


John Mangudya Reserve Bank Governor
John Mangudya Reserve Bank Governor

Gavhuna webhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, pamwe negurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vanoti dambudziko rekushaikwa kwepeturu nedhiziri munyika riri kunyanyokonzerwa nehuwori huri kuitwa nemakambani nemagaraji anotengesa mafuta.

Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto, VaMangudya vati vanoshamisika zvikuru kuti pane mitsetse yepeturu nedziziri ivo vakapa makambani emafuta munyika magwaro ekubhadhara mafuta aya kana kuti maLetters of Credit anokwana nyika yese.

Vati pari zvino vakabhadhara mari inoita mamiriyoni zana negumi nemashanu emadhora ekuAmerica, iyo vati inokwanisa kutenga marita mamiriyoni zana nemakumi manomwe emafuta pamwedzi, kunyange hazvo nyika ichida zana nemakumi matatu emamiriyoni emarita emafuta pamwedzi.

VaMangudya vati pane humbowo hunoratidza kuti mamiriyoni mashanu emarita ari kubva kumatangi ekuMsasa zuva rega rega, asi mafuta aya haasvike kumagaraji sezvo ari kuendeswa kunze kwenyika.

VaMangudya vati izvi zvinoratidza kuti pane chitsotsi chiri kuitwa nemakambani aya.

Asi VaMangudya vaudza komiti iyi kuti nyika ine chikwereti chisati chabhadharwa chemari inosvika mazana maviri emamiriyoni emadhora kumakambani ekunze anotengesa mafuta anosanganisira Independent Petroleum Group, Glencore, Trafigura, Engen ne Total.

Vachipawo humbowo kukomiti iyi, VaChasi vati zviri pachena kuti pane huwori huri kuitwa nemakambani aya uye vari kutora matanho ekupedza zvese izvi.

Vatiwo mafuta emotokari emuno ari kutengeswawo kunyika dzakati komberedza sezvo akachipa kudarika kunyika idzi.

VaChasi vati Zimbabwe Energy Regulatory Authority inofanira kupihwa simba rekuita basa rayo nemazvo pamwe nekuongorora kuti mafuta anofamba sei kubva kwaonochengeterwa kuMsasa kuenda kumagaraji mazana matanhatu nemakumi maviri anotengesa mafuta munyika.

VaChasi naVaMangudya vatiwo nyaya yemanyepo pamadandemutande akaita seWhatsApp, Twitter nemamwe ndiwo anokonzerawo kuti vanhu vaite chipatapata chekutenga mafuta vachichengeta mudzimba izvo zvinoita kuti ashaikwe mumagaraji.

Vati izvi ndizvo zvakaitika svondo rino apo pakatanga kufambiswa mashoko ekuti mafuta emotokari ainge akwira mutengo asi iwo asina.

Pavabvunzwa kuti sei vari kuramba kuti mafuta atengeswe nemadhora ekuAmerica, VaMangudya vati hazvigoni kuti hurumende iiite izvi nekuti vanhu vakawanda munyika havawani mari iyi.

Vati zvikamu makumi maviri kubva muzana chete zvevanhu munyika ndizvo zvinowana mari yekunze chete.

Pavabvunzwa neimwe nhengo yekomiti iyi, VaAnele Ndebele, kuti havawoni sekuti nyaya dzekusamira zvakanaka kwematongerwo enyika ndidzo dziri kukanganisa zvinhu munyika, VaChasi vati zviri pachena kuti izvi zviri kuitika munyika zvinokanganisa chimiro chenyika.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Manyanya, vati zviri kuitika zvinoratidza kuti nyaya dzematongerwo enyika dzinoda kugadziriswa.

Zvichakadai, VaChasi vazivisa kuti kushanduka kwemamiririro ekunze kuri kuita kuti mvura irambe ichidzikira kuKariba izvo zvinogona kuti gwenya remagetsi rimire kushanda mukati memwedzi gumi nemina kana izvi zvikaramba zvichiitika.

Vatiwo nyaya yekusabhadhara magetsi, kubiwa kwemaTransformer nedzimwe tambo dzemagetsi zviri kutadzisa ZESA kuita basa rayo nemazvo.

VaChasi vatiwo bhodhi reZESA pamwe nevakuru vakuru mukambani iyi vange vasiri kufambisa basa nemazvo izvo zvaita kuti kambani iyi isvike pakutadza kugaya magetsi anokwanira nyika.

VaChasi vati vachadoma nyanzvi nevanhu vane chimiro chakanaka kupinda mubhodhi reZESA kuti vaburitse kambani iyi mumadhaka mairi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG