Accessibility links

Breaking News

Zuva reMadzimai Pasi Rose Rinocherechedzwa muZimbabwe


Mavis Makuwe
Mavis Makuwe

Vanhukadzi vemuZimbabwe vabatana nemamwe madzimai pasi rose vachipemberera zuva ravanhukadzi pasi rose, kana kuti International Women’s Day, vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.

Madzimai aya apemberera zuva ravo vachinyunyuta nerekuti kuondomoka kwehupfumi pamwe nekushaikwa kwemari kuri kukanganisa mabasa avo emaoko.

Mumwe wevanhukadzi anga achinyunyuta ndiAmai Sarudzayi Washaya, avo vanotungamira boka revakadzi rinorima rinonzi Success Through Motivation.

Amai Washaya vanoti kunyange hazvo vari kubatana sevanhukadzi kuita mabhizimusi kuti vawane chouviri, kushaikwa kwemari kuri kuvadzorera shure.

Amai Washaya vanoti dai vaine mari kurima mbambaira kwavari kuita kungadai kuchipa pundutso kumadzimai mazhinji.

Commissioner Jessica Moyo vanoshanda kuZimbabwe Prison and Correctional Services vari kutungamirawo madzimai ebazi iri kuitawo mabasa emaoko anosanganisira kusona zvikwama nezvimwewo.

Amai Moyo vanoti vakatanga boka iri mukuedza kuti madzimai awanewo chauviri.

Asi Amai Mavis Makuwe vanogadzira ma temp-bag anokwanisa kubika chikafu pamwe nekushanda sefiriji.

Amai Makuwe vanoti vari kuwana kunyange hazvo mari iri kunetsa munyika ivo mabhegi avo ari kutengwa.

Amai Makuwe, avo vanoshandira vari kuWaterfalls muHarare, vanoti vari kubatsira madzimai akawanda kuti awane chekuita.

Kunyange hazvo mhemberero idzi dzabudirira, madzimai eMbare Chimurenga Choir ambodzingwa panga pachiitirwa mhemberero idzi.

Vaimbi ava vanga vakapfeka zvipfeko zvine mifananidzo yeZanu PF izvo zvaita kuti vabudiswe sezvo mhemberero idzi dzanga dzichinzi hadzineyi nezvematongerwo enyika.

Asi vaimbi ava vazodzorerwa mukati mushure mekuratidzira vari panze pehotera.

Dingindira regore rino rinoti The Woman We Want is Bankable, Business Minded, Brainy, Beautiful, Bold, Blessed and Balanced.

Zuva reInternational Women’s Day racherechedzwa mumaguta akawanda munyika madzimai achiburitsa pachena zvipingaidzo zvavari kusangana nazvo muhupenyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG