Accessibility links

Breaking News

Mombe Dzakawanda Dzofa neZvirwere Zvisiri Kunyatsonzwisisika


Ngombe dzinonzi dziri kufa nechirwere chisinganzwisisiki

Chirwere chisiri kunyatsonzwisisika chinonzi chiri kuuraya mombe mumatunhu akawanda enyika izvo zvinonzi zvave kuita kuti varimi vakwanda vagare vakabatira ura mumaoko vachitya kuti chirwere ichi chingangovavharira matanga avo.

Izvi zvinoteverawo mashoko ekuti varimi vakawanda mudunhu re Chirumhanzu Zibagwe vari kufirwa nemombe nekuda kwechirwere ichi, icho vamwe vari kufungidzira kuti chingangove January disease.

Mumwe murimi anonzi akatorasikirwa nemombe shanu mukati memazuva maviri.

Izvi zvinonzi zviri kuitikawo mune mamwe matunhu muMidlands makare, kuMasvingo, kuMashonaland East nekuMashonaland West.

Asi nyanzvi yezvehutano hwemhuka, VaZivaishe Zhou, vanove zvakare munyori mukuru wesangano revadhumeni reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association, vanoti kunyange hazvo chirwere chiri kunyanya kubata mombe nguva ino chiri che foot and mouth, hazvivashamisi kuti mombe dzinogonawo zvakare kunge dziri kuurayiwa ne January disease sezvo chirwere ichi chichigona kungomuka kana mombe dzikaita zvikwekwe. Ngatinzweyi vachitsanangura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG