Accessibility links

Breaking News

Mabhishopu eRoman Catholic Anokurudzirwa Kushanda Nevamwe muKugadzirisa Zviri Kunetsa muNyika


VaStrive Masiiwa

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi inoti kugadzirisa zviri kunetsa munyika kunoda kubatana kwete zve umbimbindoga.

Muzvinafundo Elliot Masocha, ve Devry University iri kuOhio, vanoti kunyange hazvo mabhishopu echitendero cheCatholic naVaStrive Masiyiwa vachida kubatsira nezvavakaita, vese vaifanirwa kutanga vataura nevanachiremba vasati vanoona mutungamiriri wenyika uye vasati vamanyira kumapepa nhau kunotaura zvavanoda kuita pamusoro pezvinobata vana chiremba ivo vana chiremba vasingazivi.

Svondo rapfuura, mabhishopu eRoman Catholic akaenda kumuzinda wemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kunotaura navo kuti vanachiremba vadzoke pamabasa avo vasina mhosva yavanopomerwa.

VaMnangagwa vakabva vazivisa kuti vana chiremba vanodzoka pabasa mukati memazuva maviri vachatambirwa pasina mibvunzo.

Vanachiremba vakaramba izvi vachiti haisi nyaya yemari bedzi asi zvichemo zvavo zvese zvinofanirwa kunzwikwa uye kugadziriswa.

Ukuwo, muzvinabhizimisi, VaStrive Masiyiwa, vakati vanogona kutambirisa chiremba umwe noumwe zviuru zvishanu zvemadhora pamwedzi kwemwedzi mitanhatu kana vakadzoka pabasa ravo.

Zvekare, vanachiremba vakaramba kutambira zvavakange vachivimbiswa naVaMasiyiwa vachiti vanoda kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe sezvo pasinga zivikanwi zvinozoitwa nehurumende mushure memwedzi mitanhatu.

Muzvinafundo Masocha vanoti kunyange hazvo vanhu vese ava vanechinangwa chakanaka, vaifanirwa kutanga vaita musangano nevanachiremba vasati vabuda pachena nezvavakange vachironga.

Vanoti mabhishopu eRoman Catholic akakanganisa kusiya mabhishopu edzimwe kereke nekuti veCatholic havasi ivo vega vanezvipatara zvinotsigirwa nekereke yavo.

Pana VaMasiyiwa, Muzvinafundo Masocha vanoti VaMasiyiwa vaifanirwa kusheedza musangano navamiriri vanachiremba nekuita hurukuro navo, vachiti kuzongoverenga nyaya iyi mumapepanhau hakuna kufadza vanachiremba nekuti zvichemo zvavo hazvisi zvemari yemihoro chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG