Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kumbomisa Mutemo Unorambidza Motokari Dzisati Dzanyoreswa


Vazhinji vane zvekuita nemotikari neavo vanotenga nekutengesa motikari muZimbabwe vari kuti mutemo mutsva wakadzikwa nehurumende svondo rapera wave kuvakanganisa, zvikuru makambani eavo vanotengesa motikari sezvo vasisakwanisi kufambisa motikari dzekutengesa kubva kumabhodha eZimbabwe kuenda kumaguta kwavanoda kuendesa motikari mukati menyika.

Svondo rapera, hurumende yakadzika mutemo wekuti motokari dzisina kunyoreswa kana dzisina ma ‘number plates’, hadzichabvumidzwa pa ma’tollgate’ munyika.

Muzvinabizimisi, VaObert Masvotore, avo vanotengesa dzimotokari, vanokurudzira hurumende kuti dai yambomisa mutemo uyu kuti ipe vanhu nguva yekugadzirira sezvo ma’number plates’ asiri kuwanikwa nekukurumidza kubva ku Central Vehicle Registry.

Vatiwo vanhu vazhinji havasi kukwanisi kuwana mari yekunze inodiwa neCentral Vehicle Registry kana munhu achida kutenga ma’number plates’ emotokari yake.

Taedza kubata gurukota rinoona nezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, pamwe chete nemunyori mubazi rezvekubudiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, asi vese havana kukwanisa kudaira nharembozha dzavo kana kupindura mibvunzo yatavatumira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG