Accessibility links

Breaking News

Caps United neNgezi Platinum Stars Dzosimudza Mureza weZimbabwe muNhabvu


Caps United
Caps United

Zvikwata zvemuZimbabwe zvakasimudza mureza wenyika mumakundano eCaf Champions League neCaf Confederation Cup.

Mumusha weCaps United hamusi kudaidzwa anonzwa mushure mekunge chikwata chemaGreen Machine chakadambura Lioli yekuLesotho 2-1 ndokupinda munharaunda inotevera yeCaf Champions League.

Zvibodzwa zvakabva kuna Simba Nhivi naRonald Chitiyo zvakapa Makepekepe kuti akunde mushure mekunge Lioli yambotungamira mumutambo wakanakidza zvikuru kunyange hazvo usina kuunganidza vanhu vakawanda muNational Sports Stadium.

Mutevedzeri wemurairidzi weCaps United, Fungai Kwashi, anoti maGreen Machine aikodzera kukunda mumutambo uyu achitarisa iye mikana yakawandisa yavakabika.

Asi Kwashi anoti havana kufadzwa nemaitiro evatsigiri vezvimwe zvikwata kunyanya veDynamos avo vainyomba vatambi veCaps United apo vaitamba.

MaGreen Machine ave kusangana neTP Mazembe yekuDRC munharaunda inotevera.

Zvakamira zvakadai, Ngezi Platinum Stars iri kuitawo mabiko mushure mekunge chikwata ichi chakarova Pamplemouses yekuMauritius 1-0 ndokuenderera mberi nemakundano eCaf Confederation Cup, 2-1 mumitambo miviri.

Ngezi Platinum Stars iyo iri kutamba muAfrica kekutanga yave kusangana ne CD Libolo yekuAngola munharaunda inotevera umo varikutarisira kukunda zvekare.

Murairidzi weNgezi Platinum Stars, Tonderayi Ndiraya, anoti anovimba kuti vatambi vake vacharamba vakadaro kusvika makundano aya asvika kwamvura yacheka makumbo.

Caps United neNgezi Platinum Stars dziri kutarisira kuita zviri nani mumakundano aya pane matambiro akaitwa nezvikwata zvemuno makore mashanu apfuura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG