Accessibility links

Breaking News

Caps United Yobatira Ura Mumaoko


Caps United
Caps United

Chikwata cheCaps United chatarisana nenjodzi yekudzingwa mumakundano eChibuku Super Cup zvichitevera mhirizhonga yakaitika pamutambo wavo neShabanie Mine.

Anotaura akamirira Premier Soccer League muzvare Kudzai Bare vazivisa kuti vanotonga mhosva dzemugungano iri varikusangana nhasi manheru kupa mutongo wavo wemutambo wakagumira panzira pakati peShabanie Mine neCaps United mushure mekunge vatsigiri veMakepekepe vakakanda zvinokuvadza munhandare.

Asi vanoziva zvirikuitika muPSL vataurira Studio Seven kuti hapana chirikugarirwa pasi kunze kwekudzinga Caps United kubva mumakwikwi aya sezvo nyaya iyi yakabvuwiwa kare MaGreen Machine ndokuwanikwa aine mhosva yekukonzeresa kumiswa kwemutambo.

Izvi zvasimbiswa nemubatanidzwa wezvikwata wema semi fainari waitwa nhasi masikati uyo wasiya Harare City ichisangana neBulawayo City kozoti chikwata chichasara pakati peShabanie Mine neCaps United chichizosangana neHow Mine.

Izvi zvirikureva kuti hapana dzokororo ichaitwa yemutambo weCaps United neShabanie Mine sezvo masemi fainari aya arikufanira kutambwa mukupera kwesvondo rino.

Pamusoro pezvo, hapana kupikisa kwemutongo uchapihwa nhasi manheru sezvo pasisina nguva yekuti pikiso iyi igarirwe pasi masemi fainari aya asati atambwa.

Mukuru wekumahofisi eCaps United vaCuthbert Chitima varamba kutaura nezvemakwikwi aya vachiti ivo vakamirira kunzwa kuti mutongo uyu uchafamba sei.

VaHope Chizuzu avo vanga vakamirira Harare City mumubatanidzwa waitwa uyu vanoti varikufara zvikuru nekuti vachasangana neBulawayo City mumakwikwi aya.

Vanga vakamirira How Mine mumubatanidzwa uyu vaLindile Tshuma vanoti varikutarisira kutora mukombe uyu pamwe nekumirira nyika muCaf Confederation Cup gore rinouya.

VePremier Soccer League varikuda kuti makwikwi aya pamwe neeligi apere musi wa 30 Mbudzi usati wapfuura kuitira kuti vape veZifa mukana wekunyoresa neveCaf zvikwata zvichamirira nyika muAfrica gore rinouya.

Chikwata chinotora mukombe weChibuku Super Cup chinomiririra nyika muCaf Confederation Cup, kozotiwo chikwata chinotora mukombe weligi chinopinda mumakwikwi eCaf Champions League.

Gore rino, Caps United yakasvika mumini league stage yeCaf Champions League.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG