Accessibility links

Breaking News

Guta reHarare Roberekera Ingwe


Armed Riot Police Presence in Harare Zimbabwe Elections
Armed Riot Police Presence in Harare Zimbabwe Elections

Guta reHarare ravharwa neChishanu mushure mekunge zviuru zvevanhu zvaenderera mberi zvichiratidzira kuoma kwaita hupenyu munyika uye mapurisa anodzivirira nyonga-nyonga achishandisha mboma nehutsi hunokachidza kudzinga vanhu vange vachiratidzira ava.

Mapurisa ange akazara mumisha inogara veruzhinji uye mune mimwe misha mapurisa ange achirambidza vanhu kupinda mudhorobha zvichitevera kurambidzwa kwakaitwa bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa kuenderera mberi nekuratidzira kwayo.

Asi zviuru zvevanhu pamwe nevashandi vakwanisa kupinda uye zvimwe zvitoro nemahofisi zvambovhura mangwanani.

Asi zvinhu zvazoita manyama amire nerongo panguva dzekuma 10 mangwana apo mapurisa arambidza vanhu kupinda muAfrica Unity Square umo mange muchifanira kuungana vanhu vasati vatanga kuratadzira.

Ipapo vanhu vabva vagara pasi panosangana migwagwa inoti Sam Nujoma naJason Moyo vachiimba, dzimbo dzakasiyana.

Pavaramba kubva, mapurisa ndoopatanga kurova vanhu ava zvakaipisisa uye pane vanhu vakawanda vakuvara kusanganisira mumwe mudzimai aendeswa kuchitapara neveRed Crosss.

Vamwe baba vabva kumusha weHatfield vanoti varohwa zvakaipisa vakarasikirwa nezvinhu zvavo.

Vamwe Amai varamba kutaura zita ravo varatidza Studio7 mavanga ange ari kumusana kwavo uye vati vazopona nekupinda mune imwe imba muna Jason Moyo.

Kubva ipapo mapurisa atanga kumhanyisana nevanhu vange vachiratidzira vachibva kumativi mana eguta achishandisa hutsi hunokachidza uye pasungwa vanhu vanodarika makumi masere.

Muzinda weMDC weMorgan Tsvangirai House wange wakavharwa nemapurisa uye kusvika panguva dzekuma I zvitoro zvese muguta zvange zvakavharwa guta rave dongo.

Mutungamiriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza vatori venhau kuti pane vanhu makumi masere vasungwa nemapurisa uye pane vanhu vasere varohwa zvakaipisisa.

VaChamisa vashora kuita kwamapurisa uku.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Comissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti vasunga vanhu makumi masere nevatatu muHarare.

VaNyathi vati mapurisa aita zvaiita nhasi nekuti zvange zviri pachena kutivanhu vange vachiratidzira vange vachida kurwisa mapurisa.

Vaenderera mberi vachiti kuBulawayo mumisha yeNjube neTshabalala vanhu vamuka vachipisa mataira mumigwagwa uye izvi zvaitikawo kuBudiriro muHarare.

VaNyathi vati ibasa remapurisa kuchengetedza runyararo, zvizvakwa, midziyo yevanhu pamwe nevaya vasineyi nezvekuratidzira.

Zvichakadai, vechidiki veZanu PF vaswera muHarare Gardens vakamirira kuti vagozobatsira mapurisa kana paita mhirizhonga.

Asi varatidziri havana kupotsera matombo kana kurwisana nemapurisa sezvakaitika muna Ndira apo varatidziri vakarwisana nemapurisa zvakazokonzera kuti masoja apindiri pakafa vanhu vanodarika gumi nevashanu.

Pataenda pamhepo mudhorobha manga mune vanhu vashoma shoma avo vanga vachitsvagwa zvekufambisa sezvo vemakombi nemabhazi vamira kufamba vachitya kuparadzirwa dzimotorkari dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG