Accessibility links

Breaking News

Vashoma Vovhenekwa Chirwere cheGomarara Rinoita paZamu


Kunyange hazvo mwedzi waGumiguru uchizivikanwa nekucherechedza gomarara repazamu, sangano reCancer Association of Zimbabwe rinoti kunyange hazvo huwandu hwevanhu vakauya kuzoongororwa gomarara repazamu hwakawanda kudarika Gumiguru wegore rapera, veruzhinji havasati vonyanyotambira zvekuongororwa.

Mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Anna Zvarehwanashe, vanoti kunyange hazvo vakaongororwa vanoti nguva zhinji zvinonetsa kungoti munhu anoongororwa pasina paanonzwa panorwadza izvo zvinozoita kuti vanhu vaongororwe kana paita zviratidzo zvekuti pangangove negomarara remazamu.

Muzvare Zvarehwanashe vatiwo kushomeka kwenzvimbo dzinoongorora gomarara munyika kunoitawo kuti veruzhinji vatadze kunoongororwa nguva nenguva zvirwere zvakadai segomarara repazamu.

Kunyange hazvo gomarara repazamu richinyanyouraya vanhukadzi, vanhurume vanobatwawo negomarara iri.

Mumwe murume, VaJoseph Murwira, vatiwo kunyange hazvo vachiziva kukosha kwekuongororwa gomarara rezamu, vati vanhurume vazhinji vanozvitora sezvinhu zvedambe.

VaMurwira vatsigirawo pfungwa dzaMuzvare Zvarehwanashe kuti kushomeka kwenzvimbo dzinoongorora gomarara ndozvezvimwewo zvinoshaisa varume vazhinji shungu.

Mumwe mugari wekumusha weMkoba muguta reGweru, Amai Musa Shumba, vanotiwo kunyange hazvo gomarara repazamu riri kuuraya vanhu vakawanda kunyanya vanhukadzi, vatiwo ruzivo rwechirwere ichi rwuchiri rwushoma. Amai Shumba vati shuviro yavo ndeyekuti dai gomarara remazamu rarapwa pachena.

Vachitaura neStudio7 parunhare, mukuru weCancer Association of Zimbabwe, Amai Junior Mavu, vabvuma kuti kumamisha hakuna nzvimbo dzakawanda dzekuti vanhu vaongororwe gomarara repazamu asi vakakurudzira kuti vanhu vaende kuzvipatara zvinenge zviri pedyo navo.

Vatiwo muzvirongwa zvavo vachange voita dzidziso kumamisha nezvenyaya yegomarara.

Amai Mavu vati muHarare vanhu churu nemazana matanhatu vakaongororwa gomarara rezamu mumwedzi waGumiguru zvichienzaniswa nevanhu churu nemazana mashanu vakaongororwa nguva imwechete gore rapera

Sangano reCancer Registry rinoti muna 2014 gomarara repazamu ranga riri gomarara rechitatu mumagomarara akanyanyobata vanhu huye zvikamu zvinomwe kubva muzana zvakabatwa negomarara iri mugore rimwero.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG