Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vopesana naVaMalema Vakati Muzinda weZimbabwe Ubviswe muSouth Africa


VaJulius Malema
VaJulius Malema

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano rinorwira budiriro yenharaunda, reFastforward Community Development Centre, VaAkson Potera, vanoti havawirirane nekurudziro yemutungamiri webato rinopikisa muSouth Africa re Economic Freedom Fighters, EFF, VaJulius Malema, yekuti muzinda weZimbabwe ubviswe muSouth Africa kusvika hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yave kuremekedza kodzero dzevanhu.

VaMalema vakaburitsa kurudziro yavo iyi padandemutande reTwitter re HASHTAG ZIMBABWEAN LIVES MATTER, vachiti kukundikana kwekubviswa kwemuzinda weZimbabwe munyika iyi kuchaita kuti vakuru muhurumende vatadze kupinda misangano ichaitirwa muSouth Africa.

VaPotera vanoti sechizvarwa cheZimbabwe havaoni zvazvinovabatsira, sezvo muzinda uripo kubatsira vana veZimbabwe, kwete munguva ino chete inonzi iri kutyorwa kodzero dzevanhu muZimbabwe.

VaPotera vanoti vanofunga kuti chakatsamwisa VaMalema inyaya yehurumende yaVaMnangagwa yekubvuma kubhadhara vachena vakatorerwa mapurazi avo nehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG