Accessibility links

Breaking News

Akambove Mushamarari weZBC, Caleb Tondhlana Anoradzikwa kuWarren Hills


Motokari inotora vafi. Tondhalana aradzikwa kuWarren Hills.
Motokari inotora vafi. Tondhalana aradzikwa kuWarren Hills.

Aimbove mushamarari wenhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, Caleb Tondhlana, uyo akashaya kuSouth Africa nemusi weMuvhuro wapfuura, aradzikwa kumarinda eWarren Hills muHarare.

Tondhlana, kana kuti Mr. CT, akaita mukurumbira apo aishandira nhepfenyuro yeRadio 3 kumakoe ekuma 1980.

Akazosiya basa kuZBC kuma 1990 achienda kuBotswana, achizobva zvakare onanga kuSouth uko akazvikoenderera mberi nebasa rake rekushamarara pamwe nekusimudzira vaimbi.

Mukoma wemushakabvu, VaMartin Tondhlana, vaudza Studio 7 kuti mhuri yavo yarasikirwa zvikuru sezvo Mr. CT aive munhu aifarira basa rake, kudzidzisa vamwe pamwe nekuriritira mhuri yake.

Mumwe akashanda semutori wenhau panguva iyo aTondhlana aive kuZBC, Ray Moyo, anoti aifarira zvirongwa zvaiitwa naTondhlana uye aive munhu aigona basa rake.

Tondhlana, uyo aive mukoma wemupepeti webepanhau reThe Observer, Banarbas Tondhlana, akazosiya basa rekushamarara ndokutanga mabhizimisi ake izvo akazoshaya achiita muJohannesburg, South Africa.

Tondlana akshaya mushure mekunetsekana nechirwere cheshuga, uye asiya vana vapfumbamwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG