Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoda Kuumba Komisheni Inonzwa Zvichemo zveVanhu


Post Cabinet Meeting Minister Monica Mutsvangwa

Dare remakurukota ehurumende rakabvumirana kuumba mutemo wekomishini yakazvimirira inotambira zvichemo zvevanhu pamusoro pemabatirwo avo nemasoja, mapurisa, vasori nemamwe mapazi ane chekuita nezvekuchengetedzwa kwenyika.

Vachitaura mushure memusangano wemakurukota neChipiri masikati, gurukota rezvekubusiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati bhiri mutemo weZimbabwe Independent Complaints Commission, richapa vanhu mukana wekumhangarira masoja, mapurisa, vasori nevamwe uye nemapazi ane chekuita nekuchengetedzwa kwenyika, kana richinge rava mutemo

Amai Mutsvangwa vakati komishini iyi ichaongorora zvichemo zvevanhu pamusoro pemapurisa, masoja, vasori nevamwe vanoshanda mumapazi ekudzivirirwa kwenyika.

Gweta rinoshandira kuCanada, VaSilas Chekera, vanoti sekuona kwavo, chinangwa chebhiri iri chinhu chakanaka zvikuru sezvo pagara paine kunyunyuta kwevanhu pamusoro pezvinoitwa nemapurisa, masoja nevasori.

VaChekera vanoti vanovimba kuti komishini iyi, kana yave kushanda, icharegerwa ichiita basa rayo nemazvo, kwete kuzomanikidzwa kuita basa rayo yakarerekera kuhurumende, sezvavanoti zviri kuitwa nemamwe makomishini aripo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG