Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotarisirwa Kuregerera Vamwe Vasungwa Vari Kupika


High Court yeZimbabwe
High Court yeZimbabwe

Dare remakurukota rakabuda nechisungo nezuro chekuti hurumende ideredze huwandu hwevanhu vari kupika mumajeri kuburikidza nekukurumidza kuburitsa mujeri vasungwa vanenge vapika zvikamu makumi matatu nezvitatu kubva muzana zvemitongo yavakapihwa.

Dare iri rakati vasungwa vachanzirwa tsitsi vanhu vari kupikira mhosva dzisingasanganisiri dzehumhondi, kubata chibharo, kupidigura hurumende, kuba zvipfuyo, mhirizhonga, kuba dzimotokari pamwe nevanoshandisa chisimba kubvutira vamwe zvinhu zvavo.

Vachinyora padandemutande reTwitter yavo, munyori mubazi rezvekubudiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vakatiwo vasungwa vakatongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwavo hwose vakapika kwemakore gumi nemashanu kana kudarika, vacharegererwawo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMangwana kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachatanga riini kushandisa chisungo chakaitwa nezuro nedare remakurukota.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Muzvare Lucy Chivasa, vachitaura vakazvimirira, vanoti havasi kufara nepamusana pekuti hurumende haina kuisa vasungirwa mhirizhonga pavanhu vacharegererwa.

Muzvare Chivasa vanoti vose vanopomerwa mhosva dzemhirizhonga, vanhu vemapato anopikisa, vazhinji vavo vari mumajeri asi pasina mhosva yakati tsvikiti yavakaita.

Muzvare Chivasa vanotiwo hurumende yaifanirwawo kutara vanhu vakasungirwa nyaya dzehuori kuti vave vamwe vevasungwa vasingakodzeri kuregererwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG