Accessibility links

Breaking News

Amai Mupfumira Vanodzingwa Basa


Hon Priscah Mupfumira

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vamisa basa gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, vachivapomera mhosva yekuita zvinhu zvisingatarisirwe kunge zvichiitwa negurukota.

VaMnangagwa vati vashandisa section 340 ne section 104 yebumbiro remitemo yenyika mukumisa basa Amai Mupfumira.

Mutauriri waVaMnangagwa, Va George Charamba, vaudza Studio7 parunhare kuti ichokwadi kuti Amai Mupfumira vabviswa pachigaro chegurukota rezvekushanyirwa kwenyika.

Amai Mupfumira, avo vari mujeri pari zvino, vakasungwa mwedzi wapera nesangano reZimbabwe Anti Corruption Commission vachipomerwa huori panyaya dzemari dzekuNational Social Security Authority, idzo dzinonzi hadzina kushandiswa zvakanaka.

Amai Mupfumira vanonzi vakapara mhosva idzi apo vaive gurukota rezvevashandi nemabasa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugweta raAmai Mupfumira, Va Lewis Uriri, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Amai Mupfumira, avo vanove seneta weMakonde, vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti nyaya yavari kupomerwa itongwe vachibva kumba kwavo.

Hurumende yakashnadisa mutemo unoibvumidza kurambidza munhu kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kana akatarisana nemhosva huru iyo anogona kuvhiringa kuferefetwa kwayo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG