Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotora Matanho eKugadzirisa Dambudziko reMvura muNyika


Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa vaine gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa vaine gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Hurumende iri kutora matanho akawanda anosanganisira kuvaka madhamu pamwe nekutenga mishonga inochenesa mvura senzira yekupedza dambudziko remvura mumadhora nemaguta munyika.

Vachizivisa zvazeyiwa nedare remakurukota nhasi, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati dare razeya nyaya yekunetsa kwemvura uye harina kufara nenyaya yekuti kanzuru yeHarare yakavhara michina inochenesa mvura yeMorton Jaffray isina kunzwa pfungwa dzehurumende.

Vatiwo dare raumba komiti inosanganisira mapazi ezvemari neremvura kuti ishande nekanzuru yeHarare mukugadzirisa dambudziko remvura.

Amai Mutsvangwa vatiwo hurumende iri kuronga kuti pave nehwaro hwekuti mishonga yekuchenura mvura yemakanzuru ese itengwe pamwechete.

Vatiwo hurumende yaita chisungo chekuti madhamu eKunzwi, Muda neNyatsime, avakwe nekukasika senzira yekupedza dambudziko remvura muHarare.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncude, vatiwo hurumende yave kubatsira madhorobha nemaguta ese munyika kuti atenge mishonga yekuchenesa mvura vachiti pari zvino guta reKwekwe ndiro rega risati rabatsirwa nemvura.

VaNcube vatiwo hurumende ichabhadhara zvikwereti zvayo zvemvura uye vakurudzira veruzhinji kuti vadhadhare zvikwereti zvavo kumakanzuru kuti akwanise kuvapa mvura yakachena.

Zvichakadai VaNcube vati hurumende ichaverenga vanhu zvakare muna 2022 uye chirongwa ichi chinokosha mamirioni makumi masere nemashanu emadhora.

Vati vanotarisira kuti zvichabuda muchirongwa ichi zvichaziviswa muna Kurume 2023.

Mune imwewo nyaya, Amai Mutsvangwa vati pane mabhanga matatu anoti, CBZ, Agribank neStanbic achashanda nehurumende pachirongwa cheCommanda Agriculture.

Amai Mutsvangwa vatiwo vanoda kupinda muchirongwa ichi vanoenda kumabhanga matatu aya uye vanotarisira kuti mamwe mabhanga achapinda muchirongwa ichi.

Mumakore apfuura, chirongwa ichi chakange chisina kujeka asi VaNcube vati chave kuitwa pachena uye mabhanga ndiwo ane hunyanzvi hwekuziva vanokodzera kana kusakodzera kupihwa zvikwereti zvekurimisa.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG