Accessibility links

Breaking News

Vari Kumaruwa Vonyoresa Kuvhota Kudarika Vari Mumaguta


ZEC
ZEC

Apo chikamu chechina chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota chapera chichiratidza kuti vanhu vekumaruwa ndivo vakave vakawanda vakanyoresa, vamwe vave nemibvunzo pamusoro penyaya iyi.

VeZimbabwe Electoral Commission vanoti pakupera kwechirongwa chekunyoresa vanhu nemusi weChipiri, vanhu mamiriyoni mana nezviuru mazana matanhatu ndivo vange vakwanisa kunyoresa kuvhota munyika mose.

VeZEC vanotiwo zvikamu makumi masere zvevanhu ava ndeve kumaruwa izvo zvopa vamwe kuti vave nemibvunzo pachirongwa ichi.

Mutauriri weZAPU, VaIphithule Maphosa, vanoti kunyange hazvo pagara paine nhoroondo yekuti vanhu vekumaruwa ndivo vanonyanya kuvhota musarudzo dzinoitwa munyika, vanhu vane chikonzero chekuve nemibvunzo pane zviri kutaurwa neveZEC.

"Vanhu vaona ZEC seine divi rayinorerekera. Pava nenguva yakareba vanhu vachiona kuti ZEC inoita zvido zveZanu PF. Izvi zvinopa kuti vanhu vasatambire zvose zvinotaurwa neZEC," VaMaphosa vaudza Studio7.

Chipangamazano pa University of Pretoria kuSouth Africa, VaTinashe Mawere, vanobvumiranawo nenyaya yekuti kune vanhu vakawanda vasina chivimbo nemashandiro anoita ZEC.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kune ZEC panyaya iyi.

Asi Muzvare Abigale Mupambi vesangano re #This Constitution, Our Constitution vanoti hapana chinofanirwa kukatyamadza veruzhinji kuti vanhu vekumaruwa ndivo vakanyoresa vakawanda.

"Vemapato anopikisa vanofanirwa kusunga dzisimbe kuti vazvishambadze kune veruzhinji ava. Kana vakasadaro, bato riri kutonga reZanu PF rine mukana wakakura wekukunda musarudzo dzinotarisirwa kuitwa gore rinouya," vadaro Muzvare Mupambi.

Chipangamazano mumubatanidzwa wePlatform for Leveraging Democracy, Governance and Elections, uye vachishanda nesangano reCentrei for Public Engagement, VaButler Tambo, vanotiwo hapana chinoshamisa kuti vanhu vekumaruwa ndivo vakawanda pane vakanyoresa kuti vagovhota sezvo kumaruwa kwagara kuri iko kune vanhu vakawanda.

Chikamu chekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota chichasimudzirwa zvekare musi wa5 Ndira kusvika musi wa13 Kukadzi gore rinouya mushure mekunge ZEC yabvuma kuti mazuva echirongwa ichi awedzerwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG