Accessibility links

Vagari vazhinji vemumusha weRujeko kuMasvingo vanoti havasi kufara nekushaikwa kwenzvimbo yavanofanirwa kunyoresa mumishina yeBiometric Voter Registration, BVR, izvo zviri kuita kuti vatadze kunyoresa.

Vagari ava vanoti vari kuenda kunzvimbo dzakatarwa asi vachikundikana kunyoresa sezvo nzvimbo yavanofanirwa kunyoresa isiri kuwanikiwa mumishina yeBVR.

Mumwe mugari wemuRujeko, VaZivanai Muzorodzi, vanoti vakatadza kunyoresa kuti vazovhotera muwadhi yavo sezvo yakanga isiri kuwanikwa mumishina, vakazopedzisira vanyoresa kuti vavhotere kumusha kwavo kumaruwa.

Vamwewo vakaita sa VaBrighton Ramusi vanoti vari kushamiswa zvikuru kuti sei mumsha wavo weRujeko usiri muBVR uku Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, iri kuti yakagadzirira zvakakwana.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa kuZEC mudunhu reMasvingo, Amai Getrude Murumbi, avo varamba kurekodhwa mashoko avo,vabvuma kuti kuRujeko kwaita dambudziko uye vatombomisa kunyoresa vanhu veikoko.

Vatiwo dambudziko iri riri kugadziriswa nana mazvikokota vavo.

Asi vamwe vagari vanoti vave kutyira kuti vangangotadza kuvhota uye ZEC haisi kufambisa mashoko akakwana kuvagari ichivaudza zvinodiwa kuti vanyorese.

Nemamiriro akaita zvinhu muRujeko, Muzvare Esther Chimanikire, vanoti vave kutyira kodzero dzevanhu dzekuvhota kuti dzichambunyikidzwa.

Zvichakadaro, vamwe vagari vemuMasvingo vanoti vashandi veZEC vari kutora nguva yakareba kunyoresa munhu muwe chete, vachiratidza sekuti havasi kugona basa iri nemazvo kunyange hazvo vakadzidziswa kushandisa michina iyi mitsva.

Mumwe mugari wemuMasvingo, VaAnoziva Muguti, vanoti vabudirira kunyoresa nhasiasi havana kufara nenguva yatorwa kuti vapedzerwe.

Chirongwa chekunyoresa kuvhota chakaparuwa musi wa 14 Gunyana uye chinopera musi wa 15 Ndira gore rinouya.

Asi MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yakwidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ZEC, pamwe negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, ichiti VaMugabe havana kutevedza zvinodiwa nemutemo pavakatara mazuva aya.

MDC-T inotiwo ZEC haina kugadzirira zvakakwana kuitira kuti iite basa iri nemazvo.

Nyaya iyi iri kunzwikwa mudare nemusi weChina.

Munhu anotairisirwa kunyoresa anofanirwa kunge aine makore gumi nemasere kana kudarika, aine chitupa kana gwaro rekufambisa, gwaro rinoratidza pavanogara muguta, kana kuri kumaruva, tsamba yasabhuku, kanawo affidavit yakasainwa na Commissioner of Oaths, kanawo magweta nevamwe vanhu vanobvumirwa kuita basa iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG